Chimwe chikomana chakaenda kumuporofita wekumatombo chikanzi kuti - TopicsExpress



          

Chimwe chikomana chakaenda kumuporofita wekumatombo chikanzi kuti zvake zviite ngaauye ne Shiri inonzi Nhengure. Akabva aiona yakamhara kuna 7th street mu Harare, akaikuta ne Rhekeni nechepadumbu apa ichibva yabhururuka ikapinda muna Enterprise road. Akaitevera ndokuikuta ikamhara pa Dzidzo house. Akaivhunga futi heyo pane rimwe zimuti kusvika kuma Avenues achingoiteverera. Yakabhururuka, heyo necheku Borrowdale, ndiyo zivhaaa kumhara pazimuti repa State house. Chikomana chakangopeta ma Rhekeni ndokunyahwaira chichidzokera nokuti chakaziva mhando yepamharwa neshiri kuti hapavhunzwi kuti wanga uchiposherei, panongo disciplinwa chete. Ah, Heya satani anoziva zvake kuti ukarambira pamumvuri wewamasimba ose hapana zvaanogona kukuita. Anotozviziva hake kuti mu Kristu akamhara pana Jehovha wake iye anopeta muswe, zvirwere zvake, urombo hwake netwuma problems twake onyahwaira achibva pauri. Mwana wa Mwari tizira ku state house, satani haatambireko. Mu town mese umu, kuna Enterprise kwese uku, kuma Avenues kwese uku; anokuteverera asi ukamhanyira kuna Jesu wako anoziva kuti ndipo pakaperera sarungano. Dambudziko redu nderekuti tinombomira mira tega kana zvanetsa tichitenderera nekuvadzimu enterprise, nekuna Madzibaba Avenue, tokona nepa Prophet circle, tisu avo nepa Sekuru close. Haaaaa iwe.! Unotipwetekerwana satani.! Tizirai kuna Mwari, Tizirai kuna mambo Jesu.
Posted on: Mon, 20 Oct 2014 04:11:24 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015