Jehova muridzi wedenga nenyika Ndinouya pamberi penyu - TopicsExpress



          

Jehova muridzi wedenga nenyika Ndinouya pamberi penyu mangwanani ano Iyemi muridzi wazvose Ndimi zvakare kumuka nehupenyu Mazvita henyu nekurara makatichengeta Mazvita henyu mechipo chehupenyu chamunotipa zuva nezuva Ndizvo matipa zvakare umwe mukana Kune vamwe vaushaye zvakare umwe mukana iwowu Asi nekuda kwenyasha dzenyu matitendera Mangwanani ano mambo Jeso ndiri kutaura zvakanaka zvedenga to whoever is reading this prayer Jehovha ndinoziva muno zviita ende makazviita nechakare Iyemi makagara matida tisati takuzivai Ndakumbira nyasha dzenyu zhinji dzirarame matiri Umwe neumwe aitirwe zvakanaka kuburikidza nezita renyu Jehova ndiri kutaura maropafazo enyu Ndiri kutaura mishando yemaoko inobva kwamuri Takumbira michato pano muzita nemuropa ramambo Jeso Takumbira michato pano inobva kwamuri Takumbira Jehovha vakomana nevasikana kuvana vedu vanokuzivai Vasarudzirei vanokunamatai Mangwanani ano Jehovha taurai nesu vana venyu Ndimi moga makafanira kurumbidzwa Ndiri kutaura huvepo hwenyu nguva dzose pano Dai patingada kutsauka tingodzorwa nemi Tisatsauke munzira yenyu tsvene Jehovha rangarirai vabereki vedu Rangarirai hama neshamwari dzedu Kunyangwe nevanotitadzira varangarirei mutipe mwoyo wekurengerera Mangwanani ano Jeso ndakumbira kuporeswa kwevarwere Ndakumbira kunyaradzwa kwevari kuchema Ndiri kusuma nherera neshirikadzi dzose kwamuri Vapeiwo,zano,zivo,nenjere dzine hungwaru hwenyu Jehovha wangu munazo rangarirawo vose vari muna Jeri Vamwe vakatadza nekusaziva Vamwe vakatadza nekuziva Asi chivaitiraiwo nyasha vangoona kunaka kweruoko rwenyu Chivai nesu mambo Jeso Mungotipai simba rekuona zvakavanzika Jehovha Muri mwari vasinga kundikane Mune hanya nesu Mwari vane chinangwa muraramo edu Hamu kundikane matiri Ndizvo tichikunamatai kuva dzose Chisunungurai pose pakasungwa na satan Mungoraradza mhiko yemuvengi Fusiirai makomba akacherwa nemuvengi Hatirambi kufa Jehovha asi takumbira kufa nenguva yenyu Itai zvamunoda muhupenyu hwedu Mbiri yenyu ingokudzwa nekusingaperi........
Posted on: Tue, 11 Nov 2014 05:30:54 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015