Kuna Mwari wakatendeka muzita raJesu Maita henyu Ishe wedenga - TopicsExpress



          

Kuna Mwari wakatendeka muzita raJesu Maita henyu Ishe wedenga Matichengeta usiku takarara Matinzvengesa kubva pamisungo yewakaipa Ndokutendai mtsvene wangu Muri Mwari vakangotendeka nguva dzose Munongotichengeta Baba kunyangwe tiri vatadzi Tiregererei Baba Ndimi moga Mwari munotigonera Wamwe vararao sesu asi vatadza kuriona ranhasi nekuti mavazorodza Baba Is muchiri nechekuita paupenyu hwedu Tibatsirei Baba tigone kururamisa nzira dzedu W thank u for this day Lord The day that u hv made so that we wil rejoice and b glade n t Help us to make this day beautiful n yr eyes Tega hatigone Baba Asi nesimba renyu toziva w r mo than conquorers Dururai nyasha dzenyu Mwari tigone kukunda zvakaipa Vandudzai mafungiro edu Baba vangu Tifunge zvakarurama Pisai miromo yedu titaure chokwadi nekuti imi munotaura chokwadi nguva dzose, tigogona kuparidza imi nekunaka kwenyu Bataio tsoka dzedu Baba tifambire zvedenga Hana dzedu Baba dzirove kana torasika Mararamiro edu achinje ave akanaka Anoparidza imi Tigonesai Baba vangu Tirwirei kubva paruoko rwemuvengi nezita raJesu Takambofamba tiri tega asi mugore rino Baba todao kufamba nemi Taneta nemitoro Baba Vakafamba nemi havana kunyadziswa Makavarangarira Tirangarirei mtsvene Tadana zita renyu mangwanani ano Iro zita rinoti kana rikadanwa mabvi ose ari kudenga, panyika nepasi pemvura anopfugama Nendimi dzopupura kuti muri mtsvene Vanorwara vanoporeswa, vanochema vachinyaradzwa, Munoshamisa Baba Tigoneseio mtsvene Totarira kwamuri nokuti ndo kunobva rubatsiro rwedu Batai each and every member of this grp Baba Makatibatanidza from across the world for a reason Tinobva kwakasiana bt w r here for one common purpose Kukurumbidzai Baba Ivaio pakati pedu Tumirai mweya mutsvene nemoto kuti kana tonamata minamato yedu isvike Muri Mwari vanopidura minamato nemotoZviratidzei Baba wedu Tinochema nezvakasiyana siyana Todao ma marriages anobva kwamuri Baba Vamwe vanoda vana Vamwe havana rugare muma marriages avari Baba Taingochema takabata mkombero wehanzu henyu Baba Tirangarirei Ishe wangu Tinoziva kana tinemi takwana nezvese Baba Nyaradzai madutu anovhuvhuta muupenyu hwevana venyu Tenzi wangu Muri Mwari Hamuna kufanana nesu tinokanganwa Mweya inotevera ropa, yemadzitete akafa asina chaanacho Mweya inodeketerwa nezita Ndaishaisa simba mangwanani ano nezita raJesu Toda michato pano iro gore rino Varimuma marriage ngazvifambe Baba cave nerugare muzita raJesu Tinzwei Baba wedenga Taneta Baba, turai mitoro inorema Baba vangu Munogona Baba Hamurambi makanyarara Baba Zviratidzeio matiri Baba Kuti vavengi vapupure kunaka kwenyu vatendeukeo vakurumbidzei zvakafanera. Mazvita henyu Baba nenguva ino Maita Baba wedenga Munoramba muchitigonera Our comforter Chititungamirai Baba mumabasa, muzvikoro, mudzimba kana pakasiyana siyana patinoswera Tinzvengesei kubva pamiseve yewakaipa Maita henyu Baba vangu Ndokutendai imi muchinda werugare Mazvita henyu mupi wazvose Munoshamisa Baba vangu Mbiri nerukudzo todzorera kwamuri Baba nezita raJesu AMEN
Posted on: Thu, 15 Jan 2015 04:50:36 +0000

Trending Topics




© 2015