41 minutes ago NHAMO YAKE MUROORA:- -Aite mudiki.......Haa - TopicsExpress



          

41 minutes ago NHAMO YAKE MUROORA:- -Aite mudiki.......Haa kakanyanya kuita kadiki,kachamuhurira- -Akure...Mukadziuyu mukuru achamutonga. -Anyarare.....Mukadzi waGoddie akati kwindi. -Ataure....Akachenjeresa,pamuromo pake hapamharwe nenhunzi.- -Awonde....Mukati Goddie haana kutitorera murwere imi?.---- Asimbe..Ringatadze nei kufuta richiswera rakangoti pweshe? -Agare natete.....Akatorera mwana wangu Angela kuti amuite musikana webasa. -Arambe kugara natete......Haridi vanhu kumba kwaro kunge ndiro rinoshanda. -Abikire muenzi tea.....Asi anopenga nhaimi? Tea isu taswera nayo kudai? -Abike riri sadza... Zvakaoma Askana,munhu wandanyatsoudza kuti ndamukira bhazi?ari kuti tea ndainwa kupi. -Abvunze kuti ndokubikirai Chii?.... Kunyima ka uku, mweni anobvunzwa? -Atumire vana kumusha.....Ho isu tisu tisina zvekuita,atumira vana kuti iye asare achibatei? -Arege kutumira vana..... Ah anomboda kuti vana vake vauye kuno? Pamwe zvinonzi tingazovaroya. -Agare mazuva mashoma kumusha.... Maihwe kanomboda zveruzevha?Nungo dzega dzega -Agarise kumusha..... Anotozoenda ameka shuwa kuti tushuga twaakauya natwo twapera. -Atambechiramu nabamnini.... .Matambiro ake naSydney ndeechihure,achatibatira mwana takatarisa. -Arambe kutamba chiramu..... Mukati haana zisekuru rakamugara? munhu asingadi kana kugumwa nemuramu wake? -Atumire grocery,.....Anoziva sei zvandisina? Adii kutumira iri mari ndatenga ndega. -Atumire iri mari.......Shuwa Munhu anonyatsoziva kuti kuno zvinhu zvinodhura asi ndopaanotumira mari,adii kutenga ikoko otumira riri grocery. -Ashaure panhamo.....Aiwa kuvhengezera tinokuziva isu,apa kuimba kwacho haakugone. -Anyarare panhamo..... Iii makaonawo makwindimariro aainge akati parufu rwa sekuru Agripa akati dzvondo kutarisa chitunha? -Auye kuzobikawo doro nevamwe kumusha.... Zvakaoma, Munhu wechurch anosanganisa. -Arege kuuya....Haadi kubatirana nevamwe. -Aite tsika.......Ummm mukati haana kumbenge akaroorwa kumwe iyeye?Zvese izvi anozvizivira kupi? -Arege kuita tsika, ... .Haana kana kurairwa. SAKA MWANA WEVANHU OITA ZVIPI NHAI?
Posted on: Sat, 26 Oct 2013 18:11:44 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015