Baba ndinokunamatai nekuda kwezuva ranhasi ra31/07/2013 rinova - TopicsExpress



          

Baba ndinokunamatai nekuda kwezuva ranhasi ra31/07/2013 rinova zuva guru munyika yekwangu yeZimbabwe riri zuva resarudzo. Baba ndinonamata mangwanani ano nemwoyo wangu wose nekuda kwangu kwose. Baba ndinodaidza zita renyu mangwanani ano. Baba ndinosasa ropa rechikuriri. Jehovha Mwari vakatendeka taurai pakati pedu. Ishe tinoramba mweya wekudeuka kweropa munyika yedu yeZimbabwe baba tinoramba kutongwa satan Ishe tinoramba mweya wehumbondi wekuurayana hama nehama Jehovha tinoramba mweya wenyonga nyonga baba pindira pasarudzo idzi isu sevana venyu chatinoda chete runyararo tinoramba kudeuka kweropa tinoramba kutendeka satan kuti adyare chakaipa muvana venyu. Ishe tnozviziva baba kuti ndimi iyemi womene munobvisa kana kugadza madzimambo tongai murimi Jehovha. Baba pindai mumoyo yevana venyu vasaurayane vazadzei netsitsi Jehovha baba ndanamata nekurevesa kwangu kwose. Wonekwai Jehovha mutungamirire vana venyu pane zvose zvavachaita. Satan murevi wenhema baba tinoda kunyadzisa satan. Baba ndinoisa vose vane moyo yakaomarara mumaokop enyu. Baba ndinosasa ropa rerunyararo nezita raJesu. Amen!
Posted on: Wed, 31 Jul 2013 05:10:59 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015