CHEATING DURING ZIMSEC GR7 EXAMS. Pliz help the nation to - TopicsExpress



          

CHEATING DURING ZIMSEC GR7 EXAMS. Pliz help the nation to know what happened today at Chegato Primary school in Mberengwa. Mwana wangu anoita Grade 7B paChegato pry school auya achitaura kuti nhasi musi wa 14 October 2013 tanyora pepa reEnglish range rine composition dzange dzakaoma. Pandamubvunza kuti saka wanyora pamusoro peyi? Anditaurira kuti mukuru wechikoro anonzi Mr C Zhou afamba nemakirasi ose mange mune vana achivataurira kuti vanyore business letter yange iri pa number 2. Iyo yange ichiratidza kuchipa. Mwana wangu anditaurira kuti headmaster ava vanyotsotaura kuti musakanganwa kuti panodiwa ma address maviri. Mwana wangu anditaurira kuti ange asingadi kunyora number 2 asi nokuti mukuru wechikoro ange ataura zvokuita angozonyora number 2 .Ini handina kudzidza hangu asi iyi ndiyo inonzi DAYLIGHT CHEATING. Pliz budisai nyaya iyi ZIMSEC ione zvokuita. Vanhu vakawanda tinogara tichitambura kuti sei vana vepaChegato pry vachipasa asi kana kwava kuSecondary vokonewa sei? Zimsec apa ngaione zvokuita. Umbowo huripo. Vana varipo ma witness. Uye vana vose vachange vakanyora composition imwe chete. Mukuru uyu haazive zvokuba mari yechikoro chete zvaanoita. Kwete kutipa mukoho wavana vedu waanovanyorera. Regai vana vanyore pfungwa dzavo kwete dzenyu netumaticha twako. #NehandaCitizenReports via Whatsapp +447778557615 and Facebook. You can also send pictures and videos.
Posted on: Mon, 14 Oct 2013 16:23:30 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015