DAI URIWE MURUME, WAIITA SEIKO PAKADAI APA? Mudzimai akange aine - TopicsExpress



          

DAI URIWE MURUME, WAIITA SEIKO PAKADAI APA? Mudzimai akange aine mimba yave yoda kuzvarwa, apa baba chikara chikati chavabaya zvebasa chaizvo. Izvi zvakashungurudz a mukadzi ndokubva atora $30 yake ndokuti kumurume, “Enda zvako unokesha hure. Asi ubvewaziva kuti ndezva nhasi chete, uye udzivirire. Ndakunzwira tsitsi murume wangu.” Murume akatenda ndokubva ananga kubhawa mahure akaramba kubatika musi iwoyo sezvo pakange pari pakati pevhiki. Ava munzira kudzokera kumba, akagaya kuti mai vepa next murume wavo akange asipo. Akasvika ndokunyengerera ndokubva anzi unongobvisa $10. Shasha yakapedza chikara, ndokudzokera kumba nechange sababa vakavimbika. Mukadzi akabvunza kuti zvange zvaita here? Murume ndokupindura achiti zvakange zvine nharo, kwangekusina kana hure zvaro kubhawa. Mudzimai ndokubvunza kuti, “Saka wazoita Seiko nhai murume wangu?” Murume ndokupindura achiti “Ndazoto batsirwa namai vepanext door vakandibhadhari sa$10.” Mudzimai akavava wena. Zvikanzi nemurume, “Asi ndiwe wanditi ndiyende kunotsvaga anondibatsira wani?” Mukadzi ndokupindura achiti, “Ini handisi kugumbuka kuti wavakwirirei ba. Chandirwadza ndechukuti vakubhadharisa asi ivo pavainoita mimba dzavo dzose, murume wavo ndinongo mubatsira mahara wani. Wangu ndiye anobadhariswa nhai? Ndichavabata zvangu handiti vachiri kuzvara.”
Posted on: Fri, 19 Jul 2013 03:01:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015