FROM Ruth N Masibanda Gwekwerere Hse#-- matapi flats Rufaro - TopicsExpress



          

FROM Ruth N Masibanda Gwekwerere Hse#-- matapi flats Rufaro stadium Harare Dear Taribo Kutanga ndinoti mufaro kwauri ikoko ndinovimba kuti ugere zvakanaka ikoko kwausingagone kunyora tsamba kuti madembare wee ndakafamba sei. Isu kuno ndangariro dzezvako ndodzinotibaya moyo nokuti tikafunga nezvako tinoerekana takuimba kuti Taribo huya tihwine especially kana tichitamba nevaya vakakauraya. Ndanyora tsamba ino kuti ndikuzivisewo zvinwe zvezvakasara zvichiitika kubva pakatisiya- 1-bosso yave nemakore anodarika mashanu isati yamborova Dembare muleague game tiri kungonzwa nerunyerekupe kuti mweya wako urikuvamukira asi ivo havasati vatipira nyaya yacho. Ramba uchivanetsa kusvika vati sorry uye tinoda kuti mhosva yacho vairipe nemukadzi anouya kuzotizvarira mwana tomutumidza zita rako. 2-caps haichanzi green machine yavekunzi madzetse uye yava nemakore anodarika matatu anenge mana isati yambotirova handizive kuti ndiwe here futi urikuidzungaidza kudaro, uye yabroker zvinhu zvakatoiomera kubvira pakit kusvika pamaorange chaiwo ekudya pahalftime atori ma1,last week ndakasvika team yese yakagarira bucket rerasberry nechingwa. Mupostori wecaps uya haachatengesa manewsspaper mazuvano akudriver mataxie uye uhwandu hwesupport yavo huri kudzikira zvekuti havachazadzi bay 1. 3-Dembare yanemakore matatu akateedzana ichitora league uye gore rino tirikutarisira kutora zvee. 4-Murape murape haasati apera shaa kunyanya pamagame ebosso anoita kuita revenge kuurayiwa kwako 5-Kuvietnum kwanaTeacher,Dembada nanangoda urikuruzirira coz pahasha parikufaya wena 6-mawarriors ndoarikungotibaya moyo haa imi makafa makazorora zvenyu pakuona mawarriors coz haasapoteke 7-mazuvano chero munhu arikunze kwenyika avekunakidzwa nekusapota dembare coz news dzese anodziwana paDembare dotcoms dzirilive. 8-nesuwo madzimai tasununguka kuenda kuground hazvichanyadzise uye masapotas eDembare necaps akutomboona bhora akagara ese asi neebosso pachiri nehondo zvawakasiya zviri ndizvozvo kusoweto hakudiwe anotaura shona. 9-Brazi yembiri iye yakazochecheudzwa 7-1 negermany. Undimhoreserewo vamwe vatsigiri nevanwe vose ikoko uvati chakaparadzana nesu inyama yenyu asi mweya yenyu tinayo pakusapota team nekuti tiripachirangano nyangwe zvikaoma sei ,zororai murugare dzamara tisanganiswe. Ndini wako Masie Dhiiiiiiiiiii for lyf
Posted on: Sat, 26 Jul 2014 16:23:35 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015