From: Mharidzo Sermons Subject: MHARIDZO: POWER OF THE - TopicsExpress



          

From: Mharidzo Sermons Subject: MHARIDZO: POWER OF THE WORD Power of the Word-Simba reShoko. Scripture reading Matthew 8:5-13. Jesu anopinda muguta reCapernaum and anobva asangana nemuCenturion. (Centurion muSoja wemaRomans anotungamira vanhu 100). Centurion uyu anotanga kukumbira rubatsiro hanzi Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru” Jesu haana kuramba but akabvuma akati I will come to heal him. instead yekuti Centurion afare kuti Jesu abvuma kuzoporesa muranda wake, Centurion akatoti aiwa, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. JUST SPEAK THE WORD ONLY, muranda wangu anopora. Centurion uyu semuSoja akafunga zvinoitwa kubasa kwavo, akafunga authority iri mukati memaWords, nekuti kuArmy unogona kunzi jump and haubvunzwe kuti why but unobvunza kuti how high, ukanzi run haubvunze kuti why but unobvunza kuti at what speed sir? ndiwo maPrinciples ekuchisoja, kune imwe discipline yekuti hautenderwe kuda kubvunza zvakawanda but you have to follow orders. remember this man iko kuArmy kwavo ane vanhu 100 pasi pake, so akatanga kufunga kuti ingawani kubasa kwedu ndinoudza vafana maJuniors kwandiri ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita. kuGraft kwedu tine power rekuti one word chete unoona munhu achiMhanya mhanya kuita saizvozvo. ko kana ini zvangu maShoko angu aine simba rakadaro what more about Jesus mwanakomana waMwari, mashoko ake ane power rakaita sei. Obvious rakapfura rangu. so hapana chikonzero chekuti Jesu auye kumba kwangu, but ngaataure shoko bedzi, munhu anopora. The word only is enough. Jesu akashamiswa nemashoko aGunners, hanzi muIsrael mese handisati ndamboona munhu ane faith seye murume uyu. Get this, Centurion haana verse yaakataura yazoita kuti Jesu aoone faith yake, but angotaura maPrinciples ekuArmy, ekubasa kwake. Tine mamwe maPrinciples epano pasi anogona kuRepresenter maPrinciples ekudenga. Kana iko kuchisoja tichigona kutaura shoko chete munhu achiterera, obvious Jesu hapana paangatadze kutaura shoko chete hurwere huchimuterera. kana iwe uchigona kuudza vana vako kuti regedza misakanzwa yauri kuita, chimbofunga shoko raMwari kuti rangatadze kudzivisa satan kuita zvakaipa here. iwewe kungoudza mwana wako kuti “stop that” unoona achiita kudedera, chimbofunga kuti Mwari kana vakudza satan kuti “stop that” chii chinoitika, obvious satan anotodedera zvakanyanya. kana paCompany paunoshanda maShoko eMunhu ekuti “come to my office” achikurovesa nehana, funga kuti mashoko aMwari ane power rakaita sei. kuBattlefield pfuti dzichirira, mashoko ekuti cease-fire unoona pfuti dzichimira kuridzwa. Idzo 2 words idzodzo cease fire. Unoona AK 47 yamira kuridzwa. Ko chimbofunga kuti Jesu akanzi ataure 2 words chete, effect yacho inenge yakamira sei. Kana Commander vachigona kumisa hondo ne2 words chete, funga kuti 2 words dzaMwari dzinomisa hondo dzakakura sei dzemweya? Shoko raMwari rine simba kupfura mashoko evanhu. hanzi musauye kumba kwangu nekuti handina kukodzera kuti mupinde mumba mangu but taurai shoko chete anopora muranda wangu. Centurion paaudzwa kunzi I will come to heal your servant, aigona kubvuma kuti its o.k. munouya but akaona kuti izvi zvekuuya physically izvi zvinonoka, but tumirai shoko chete, nekuti shoko rinokumuridza. Let me tell kuti dzimwe nzira ungashandise hako, but the quickest way to your answer is via the word of GOD. muShoko raMwari ndimo mune mhinduro chop chop, zvekuda kuturikwa maoko, kutsvaga anointing oil/water, matombo, ndaza machira kana chimwe chinhu zvinogona hazvo kushanda but ukapinda muShoko raMwari ndimo mune direct answer inouya faster faster. Jesu paachozofamba kuuya kumba kwangu, ndirinhi ipapo, aiwa just speak a word tiri ipo pano. Ndingakukanganisei programme dzenyu. kune anonzi maBiometric security systems ekuti haufambe nemaKeys kana uchida kuvhura door but unogona kungoshandisa finger print yeChigunwe chako or any other physical feature. Advantage iripo apa ndeye kudai; maKeys unogona kurasa or kubirwa, but finger print haibike, pese pauri unayo and haugone kuirasa. That’s the same neShoko raMwari, shoko raMwari satan haagone kukubira nekuti rinogara mumoyo mako, but chigubhu chemvura satan anogona kungoshandisa mumwe munhu kuti airase mvura iyoyo, oil yawapihwa, unogona kuSechwa muCombi usati watombosvika kumba. But no one can steal the Word of GOD from your heart. ndinorangaira pandakabirwa fone yandaishandisa kuparidza paFacebook. satan aifunga kuti ahwina but ainge asina, because shoko raMwari riri mumoyo mangu and not paFone yandaishandisa kuPoster. Fone inotsvagwa imwe and vhangeri rinoramba richiparidzwa chete. The devil can not steal the word of GOD from you. as long as uine Shoko raMwari mukati mako, satan haana door newe. Jesu aitoda kuenda kumba kwCenturion but iye centurion ndiye akati musauye zvenyu, taurai shoko muranda wangu anopora. Mufundisi vanenge vachiti ohhh regai ndiuye kumba kwenyu kuzobata minamato but iwe ndipo paunoti aiwa, ndipei verse chete munhu waMwari, its enough, zvinhu zvinonaka chete. Mamwe madzimai aunonamata nawo vachiti handei tinobata nhanhatu, iwe unoti aiwa ndiudze Shoko raMwari chete, zvinoita mushe. Centurion akatenda kuti isu kana kuGraft kwedu kana mashoko achiunza maResuts then zvitori paChena kuti Jesu anogona zvinopfura zvekubasa kwedu. Jesu akabuda pachena akati muIsrael mese handisati ndaona munhu ane faith seine murume uyu. maPriests ese emuIsrael akakundwa faith nemusoja, maDisciples, maPharisees, maSaducces vese vakakundwa faith nemurume uyu. Yet haana kana chigaro chainacho muChurch, he is actually a soldier but ane faith inokunda yemaBishop. rega nditaure newe ndichiti you might not have any position muChurch but izvozvo ngazvisakutadzise kuva neFaith inopfura kunyangwe yevanoe zvigaro muChurch. but iyo faith yacho inouya sei, Romans 10:17 inobva yati faith comes by hearing and by hearing the word of GOD. Kutenda kunouya nekunzwa shoko raMwari. Tadzoka zvekare paThe word of GOD, hanzi faith comes by hearing the word of GOD zvichireva kuti you need to have the word of GOD inorder to have faith. zvatopachena kuti chatuma murume uyu kunotsvaga shoko raJesu, iShoko zvekare raakanzwa or kuverenga. That’s why Bible richiti Mark 4:24-25 “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda. Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.” wainzwa verse: hanzi kane uine zvakawanda, uchapihwa zvimwe but kana usina then uchatorerwa zvauinazvo izvozvo. kana uine shoko mukati mako, it will attract rimwe shoko zvekare. But kana usina, then hapana dhiri. Jesu anoudza murume uyu kuti “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” And Muranda wake akabva apora panguva iyoyo. Centurion haazi riye airwara but muranda wake ndiye aiva achirwara, yet ndiye akamhanya mhanya kuti muranda wake apore. Munhu ari kurwara haazi mwana wake, mukadzi, munin’ina or any close relative, havana kana hukama but he is just a servant. Ndiyo inonzi love manje iyi, yekuti hauna hukama nemunhu but unomirira mira kutsvaga Jesu for that person’s sake, unomira mira kutsanya kuti zvinhu zvemutorwa zvifambe. Ndiyo love, chinomupa love iShoko raMwari ragara ririmumoyo mako. You need the word of GOD in your life for love to manifest. kuArmy kunofa munhu sisi, even kuTraining chaiko unogona kungofa, worse kuHondo. Izvi zvekufa kweVanhu hazvishamise Centurion, zvekuti aigona kungosiya muranda wake achifa and zvaisambo mushamisa semunhu ajaira kuona vamwe vachifa, but haana kudaro, he went kunotsvaga shoko raMwari. Rega kungosiya life yako ichifa wakatarisa, enda unotsvaga shoko, rega kungosiya zvinhu zvichipara uchiti ndiwo hupenyu, tsvaga shoko mhani. Murume uyu aigona kuenda kumaDoctors kuti muranda wangu arwara ndipeiwo mapiritsi, aigona kuenda kuN’anga but akati regai ndiende kuna Jesu ndinopihwa shoko nekuti he understands kuti vamwe vese avo anaChiremba vanogona kuzvitadza izvi but shoko raJesu harirambe kugadzirisa nyaya dzangu. Shoko raMwari rinoita zvaratumwa Jeremiah 1:12 inoti GOD watches over His word to perform it, Mwari vanotarira shoko ravo kuti rite zvavakarituma. Isaiah 55:11 ichibva yati Shoko raMwari haridzokere risina kuzadzisa zvavarituma. Jesu achiudza Centurion kuti enda hako, muranda wake anobva apora ipapo ipapo, not tomorrow, not the next day, not the following hour but munhu akapora ipapo ipapo. SPEED of the word, dai Jesu akaita zvekuenda kumba aigona kunokoka but shoko rakaunza healing ipapo ipapo. Zvimwe zviri kunonoka muLife mako inogona iri iNyaya yekuti hauna shoko mukati mako, you don’t have the depth of the Word of GOD. munhu haararame nechingwa bedzi asi neShoko rinobva kuna Mwari. You need the word of GOD to live. Stop existing and start living and you need the word of GOD in order to live. Pasina shoko hapana hupenyu. Mwari vachida kusika vaingotaura shoko chete, let there light, light rotauya neShoko chete raMwari, just imagine kuti zuva ratinoona iri rakasikwa neShoko but munhu weNyama tikamuti asike light bulb 40 watts zvaro anotanga kumbotsvaga maMachines, maGlass, tumawaya nemakwenjere kwenjere, but zuva iri rakangonzi let there light rikavako. Nyika yaunoona iyi, yakangosikwa nemashoko, let there be chakati, let there be this, let there be that, zvichitofamba wena. Simba reShoko raMwari. Izvozvo zvinofanira kukupa kuAppreciater kuti shoko raMwari rine simba. you need the Word of GOD in your life, feed more on it, idya Shoko raMwari kuti ukure paFaith yako.
Posted on: Sun, 06 Oct 2013 10:18:58 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015