Haaa CLEOPAS nasahwira wako, chokwadi kuwanirwa nyasha nemukana - TopicsExpress



          

Haaa CLEOPAS nasahwira wako, chokwadi kuwanirwa nyasha nemukana wakareba kudaro, kupfuura vazhinji even vaive pedyo naJesu. Kuswera muswere wese wezuva, muchitaura nekufamba mese. Kutonogara mese mudining room. Yakanga isiri nguva yemanga manga ka iyi, ndopaye Jesu painge achangokunda simba rechivi nerufu. Cleopas!!!! Asi chinzwa apa manje but they were kept from recognizing him(Luke 24vs16). Manje nhasi ndiri kuda kuudza mweya yemadzinza, mweya yenzvimbo, satan nemhuri yake kuti zvakakwana zvamaita zvekukwidibira nekupofamadza vana nevanhu vaMwari kuti vasaone icho chinoponesa nekuunza dzikinuro mukati mehupenyu hwavo. Kuswero onesa vanhu zvisina basa asi zvinounza hupenyu zviripo, vamwe zvavo zvichitoita. Shoko raMwari rinoparidzwa, ugoriverenga, unonamata, Mwari vanozviratidza kwauri nenzira dzakasiyana siyana asi hapana chauri kuona though apo nepapo panomboita conviction asi zvobva zvaita kunge mbeu yawira pamunzwa or paruware. Ndiri kuda kuti Mwari vakupe spirit of revelation and wisdom uye uone zvinhu nemaziso emweya, maziso emwoyo agovhurwa. Zvekungoona rima nemadzengerera zvaperera pano nhasi nemuzita raJesu.
Posted on: Wed, 15 Oct 2014 12:06:43 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015