Hanzi Chiwoniso asvika zvakanaka, uyezve asangana naIgwe Tongai - TopicsExpress



          

Hanzi Chiwoniso asvika zvakanaka, uyezve asangana naIgwe Tongai Moyo Dhewa! Asi dhewa vakatyamara chaizvo ndokuti " ko iwe Chiwoniso wauya nguvai?" Chiwoniso abva angoti "Ahaaaaa shamwari zvakangooma" apedza abva abvunza kuti" " ko Mashakada arikupi?" Zvikanzi naDhehwa " enda paconer apo uchamuona aripo, panana John Banda, Mukadota, Mutirowafanza ,Jari na Parrafin varikuactor madrama!" Chiwoniso asvikapo abva awona Mashakada atova negumbo rechokwadi vaMashakada ndokuti " ahhh wateverawo? Ndanga nditori naMarko Sibanda na Paul Matavire Doctor Love, asi vazotevera Biater Mangetha na Jek Madondo vapfura izvezvi, bt kana uchida kuona " leonard Dembo, Simon Chimbetu، Solomon Schuza, na James Chimombe enda apo parikutambwa nhabvu nana Leny Gwata, Francis Shonhai nana Blessing Makunike," saka nguva dzasvika Chiwoniso panhandare paya aona chikwata chiri tii! Zvikanzi na Chimbetu, " ko va Mutukudzi zvavaingokosora pamaCaset avo havasati vauyawo here, nekuti takangoona mwana wacho Sam Mtukudzi anoswera aina Mbuya Mlambo achiitirwa ngano?" zvikanzi na Chiwoniso "Aiwa tava siya variko uyezve vakatoimba nemwana wako Suluman Chimbetu song inonzi Ngata Ngata"" zvikanzi na Dembo kovangu variko here? Zvikanzi " hongu varikuzama zama vamaCheso ndovarikumubatsira, uye newa Peter Moyo Dhehwa arikushingairwo nawo magatare asi anondishamisa mwana wavaManyeruke, vaya vokuimba dzechitendero, mwana wavo mukomana avakuimba zvembanje uyezve avakuzviti Guspy Worrior ,ivo vaMechanic Manyeruke ndakavasiya vasingachaimbi vachinyunyuta kuti Baba Charamba vakapedza bhaibheri rese? Zvikanziwo naJames Chimombe " dai wanga watikasikei ungadai waona John Chibadura na System Mutazvida mazuva ano varikuda zvenhetembo ukanovatarisa pamberi apo unovaona vaina ,Mbuya neHanda, naSekuru kaGuvi navaSolomon Mutsvairo vaye vekunyora National Anthem yepasi Kuzimbabwe!" achangoti fambei Chioniso abva avaona "System Tazvida abva aseka ndokuti kufa hakuna memba shuwa, zvino zvawasiya vana 10 maone avo wabva wandifungisa, song yangu yekuti PFUMA YABABA NDO YOTORWIRA TOSE" Andy ango seka akabva ati "ko uko kuneyi kunemoto uko " zvikanzi na Chibadura " iwe ndokunana Michel Jackson na2 Pac asi kana uchida kunozvionera enda unomira padombo iro rinoputwa mbanje nanaBob Marley nana Garnet Silk! Tichazokuzivisai zvinenge zvazoitika kana mumwe wevaimbi aFawo! #gdn
Posted on: Fri, 09 Aug 2013 07:49:11 +0000

Trending Topics



NE TOP 40 – 28 July 2013 25. Mariah Carey feat. Miguel
FOR REAUCTION DUE TO NONE PAYMENT CHILTERN COUNTRY
day 7 I am thankful for my grandparents, for they gave the

Recently Viewed Topics




© 2015