Hide id Ndaitawo dambudziko nemurume. Murume uyu igwara - TopicsExpress



          

Hide id Ndaitawo dambudziko nemurume. Murume uyu igwara rekupedzisira. Hongu akadzidza asi brain dzake dzakatamba nepwere. Zvinhu zvakaoma muRhodesia hapana asingazive apa ndinomuti simuka uendewo kujoni kundotsvaga mari iye haadi. Ngoda chaiyo yakauya ikapera akangovata mumba vamwe varume vachiita mari. Horyt chiendawo kujym kuti uitewo zvimhasuru ndisanyara newe haadi. Basa nderekundichengera chinozikanwa hapana. Ndakamuti mwana tichaita kana wave kuratidza kuti u r man enaf zvino hama dzake dzaa kutanga kutaurisa. Heee ihure, heee akadyisa murume, haazvari. Hee vana chihera ibasa ravo. Kudii?? Angada kuzvarira chituta mwana ndiyani kana ndimiwo. Ndodya degree here ini. Ndopfeka degree? Umwe musi hupfu hwakapera ndobva ndapinda mumba ndokutora chipepa chechidegree chake ndokuisa mubag ndikati hande kutown totenga hupfu. Tasvika maok ndokuisa zvinhu mutroley. Tava muq ndobva ndaburitsa chidegree chacho ndokumupa ndikati chibhadhara zvinhu nechidegree chako ndobva ndabuda ndokumusiyamo asina mari yekombi akatevera netsoka. Munhu wepi anoda kuchengetwa nemukadzi. Ndandafunga kupinda mutown ndomutengera g strng nepitcot nebra ndomupa ndoti chisarai pamba ndimi maa mukadzi ini ndakuenda kujoni kundotsvaga mari. Ndendakanganisa here Zimbabwe?? Varume chimbomirai kucomenta hamuzivi marwadzire azvo plus hamuna mumuromo.
Posted on: Fri, 18 Jul 2014 05:01:31 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015