Inzwa unzwe kanyaya aka. ndiwe zvako nemuvakidzani wako - TopicsExpress



          

Inzwa unzwe kanyaya aka. ndiwe zvako nemuvakidzani wako mose makaroora munevakadzi. Iwe manje wakabva wachiva mukadzi wemu vakidzani wako ndokubva wamunyenga ukadiwa. muvakidzani wako ndokunyengawo mukadzi wako ndokudiwa. iwe manje wakazosvika pakuda kurova gumbo kumukadzi wemuvakidzani wako. wakabva wamuudza kuti wavekuda zvinhu toita sei. iye akati hazvinetsi baba vati varikumbobuda asi vachadzoka havo time time. iwe wogara wakagadzirira kana vangobuda ndokubhipa wouya kumba kwangu. izvo zvamuri kuronga avawo vaviri ndozvavari kurongawo. izvo kubuda kurikuita muvakidzani wako kundoronga nemukadzi wako kuti ndichatuma mukadzi wangu kuma shops ende kumashop kure panekamufambo bhijana muchinda akabuda iwe ukadamwa iwe wakangoita zvekunyangarika hauna kuudza mukadzi kuti waendepi. ndokunosvika kuya munongoziva kuti yekuba hakuna romance kunorohwa yejongwe chaiyo. uripakati wakaruma muchochororo muchinda akabva adzoka mukadzi ndokuzvinzwa kuti baba vadzoka zvikadzi pinda pasi pemubhedha. wakabva wapinda pasi pemubhedha ukati ziiii uripo. muchinda akapinda mumba make zvikanzi kumukadzi shamwari enda kumashop unotenga doro nhasi ndoda kumwira pamba ndichiita basa rangu pano pamba. mukadzi semunhu aiziva nyaya dzake akambozama kuramba zvikashaya basa ndokuenda achikusiya uripasi pemubhedha. mukadzi akaenda achimhaya kuitira kuti akasire kudzoka chisati chabvondoka. akangoti achingobuda muchinda akabva anyatsogara pamubhedha akaremberedza makumbo iwe uchitoaona. akabva atanga kufonera mukadzi wako zvikanzi huyai vaenda mukadzi wako akapinda paakapinda wakatanga kuona tsoka ukaziva shangu kuti vanenge mai mwana ava. pavakatanga kutaura ukanzwa kuti ndiye kkkkkkkkkkkk iwe wodii. mukadzi otemwa uchizvinzwa here vakomana aaaa muchinda akatanga kuputsa zvinhu iwe uripasi pemubhedha. handikuchemerera kwa mai mwana ikoko. varipakati kudaro muchinda akanzwa mukadzi wake kutaura panze zvikanzi aaaa maimwana vadzoka pindai pasi pemubhedha mukadzi achindoti pasi pemubhedha nyengu dhiva dhiva masangana matarisana pasi pemubhedha mumba mevanhu. Chindiudza kuti kana zvadai uchaita sei munobuda sei. uchaita sei unoramba mukadzi here. ko imwi vakadzi munotenda kurambwa pakadai here. Chiitongai tinzwe.
Posted on: Sat, 06 Dec 2014 13:46:01 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015