Kufunga kwevakadzi vasina njere Ndoda kunyengwa nomurume ane - TopicsExpress



          

Kufunga kwevakadzi vasina njere Ndoda kunyengwa nomurume ane mari Murume ane mari ndiye hake asi hausiwe wega unoda kunyengwa naye. Makatowanda ipapo saka iye haana basa newe. Chii chaunacho chaunofunga kuti achada kupfuura zvevamwe vakadzi. Tsvaka murume anokuda chete, mari mogadzira mese maroorana. Wadirei kunodya zvausina kubatsira kugadzira. Une maoko maviri sezvakaitawo vamwe. dzidza kushanda uchiwana zvaunoda. Ndini ndamisa chombo chake saka anondida Chombo chinomira chero murume avete hope chaidzo. Hausiwe wamisa chombo. Hwisisazve nyaya yokuti murume akaona pikicha chaiyo yepamberi pomukadzi, pasina pikicha yomukadzi wacho, chombo chinomira. Usada kunyebegwa kana kuzvinyebera kuti unofanira kuvhurira murume nokuti ndiwe wamisa chombo. Murume ndiye anomisa chombo chake nemafungire ake. Vamwe varume akaona imbwa chaidzo dzichikwirana otomira chombo. Usaudzwa nhema nevarume. Murume akakumisira chombo ukamuvhurira akakukwira, mapedza anotora Lift oenda kumwe. Manheru iwawo anonovata noumwe mukadzi waanomisira futi chombo. Ndikasamuvhurira anogwadziwa mabhora. Kana chombo chamira kwenguva yakareba, asina pokuchipinza anokwanisa kugwadziwa mabhora ake ne CONDITION inohi BLUE BALLS. Asi kugwadziwa kwake kushomanana nokugwadziwa moyo kwauchaita ukatadza MANAGEMENT yeRELATIONSHIP yenyu after akurhoja kana kukuisa mimba. Ndikamuvhurira achawedzera kundida. Ukamuvhurira watoderedza kukuda kwake kana musina kuroorana. Anobva atofunga kuti unovhurira vamwe varume. Watokanya nyaya yako apa. Kana kukuroora achatononoka nokuti atova nomukadzi wekuvata naye. Anoudza shamwari dzake kuti hausi MARRIAGE MATERIAL. Kana ndikaita mimba anondiroora. Ukaita mimba asingazivi nhamo yako yatotanga. Mukadzi nomurume vanofanira kutanga vabvumirana vasati vaita mwana. Mimba yokuda wega haiiti zvachose. Siyana nokufunga kwakadai. Kana wada zvokuvata nomurume enda kwaDOCTOR utange mapiritsi kana majekiseni. Kondhomu rikabvaruka mukira kundopiwa Morning After. Ndikaita mimba ndinotizira mukomana. Kana usina kumbosvodeswa, nokutyiswa nokusaziva zvokuita, imboenda pamusha pane musikana atizira achiti nokuti ane mimba uone kuti anobatwa sei nehama dzemurume. Inguva inotyisa chose zvikuru kana musikana wacho ari mwana mudiki 18-20. Kutizira hachisi chinhu chakanaka zvachose nokuti hauzivi kuti unonosvikepi nenyaya yako. Murume acharamba mukadzi wake agoroora ini MaSmall House akawanda nemahure akawanda vanofunga seizvi. Kuzvinyebera kwemunhu akachipa kuvata naye asina future pamurume uyu. Murume akaramba mukadzi wake akakuroora akaita mwana newe, hazviiti kuti arege kuhura agoda kukuramba kana awana umwe mukadzi. Ari kuhura newe nokuti ari kutadza kugutsa mukadzi wake. Munhu asingahwisisi vanhukadzi. Iwe uri kufunga kuti uri kuguta nenyaya yokuti uri kuvatazve neavo vamwe varume vanokupa mari reRENT sezvinoita uyu wauri kufungira kuti acharamba mukadzi wake. Asizve mahure akawanda anogarofunga kuti achawana murume wekuroorana naye. Zvechokwadiwo ukamira kuhura unokwanisa kuwana murume wekuroorana naye. Ndoda kufuhwira murume Kutambisa nguva yako nemari yako kutenga mishonga isina kana zvainoita. Fuhwira hako asi iwe ndiwe uchatoita fungwa yokuti pane zvawaita asi pasina. Kana uchiziva mushonga unoshanda chaizvo, ndinyorere ndikugadzirire uite Millionnaire nawo gore risina kupera. Wadaro murume wako achakudira mari yako. Usaita murume wake EXPERIMENT. Murume wangu achazorega doro/fodya/makasi/mbanje/chihure taroorana. Kana maroorana ndipo paanotowedzera pazvinhu izvi. Anoziva kuti iwe unenge uri pamba uye hakuna kwaunoenda saka iye anouya chero nguva yaada. Usada kuchinja murume maroorana. Sarudza murume anoita zvaunoda pakunyengana kwete maroorana. chaunomhanyira kuwanikwa chii makore ari pasi pe 35? Mari yemurume handiyo murume. Mari inopera muchiri vapenyu saka uchazomuramba here kana yapera? Zvitsvakire murume ane unhu. Variko vakawandisa vari kutotsvakawo vakadzi vane unhu sewe. Ndikamuregerera haachazondirovi Hakuna murume anorova mukadzi kamwe chete achizorega kurova. Chero akaripiswa chero akagariswa dare chero akasungiswa achatokurova chete One day soon. Hazviiti kuti arege. Kukurova kwake kunoitiswa ne POOR COMMUNICATION SKILLS riri dambudziko raanaro risina mushonga. Kana wada kumuregerera chiita uchiziva kuti ndizvo zvaari uye achakurova futi manje manje. Solution mbiri dzaungatozama kumukurira simba kuti azive kuti akaita hasha ndiye anorohwa, kumusungisa each time yaanokusimudzira ruoko. Muroora uyu ari kunetsa hazvanzi yangu. Ndoda arambwe. Ukaona watanga kufunga seizvi chiziva wega kuti unovenga muroora wako vese nehazvanzi yako, nevana vavo. Munhukadzi anofanira kuhwisisa kuti nyaya dzomumba dzinoda kugadziriswa dzonaka vanhu vose vofara. Kurambisa hazvanzi yako mukadzi kusahwisisa DYNAMICS dzemhuri. Vana vehazvanzi yako vanoda vabereki vaviri. Chero zvodii iwe haumbozoiti mubereki kuvana ava saka uri kutovapa poison iwe uchifunga kuti wagona. Munhu akangwara anotanga kutaura nehazvanzi yake achiiudza maonero anoita vanhukadzi kuti ahwsise kuti chii chiri kukanganisika mumba make. Kana iri nyaya yokuti hazvanzi yaita hure iwe ndiwe unotoita peptalk muroora kuti azame kuregerera asi uku uchituka hazvanzi nokukanganisa kwayaita. Mangwana murume wako akahura, hazvanzi iyi ndiyo ichatonga nyaya yenyu. Muroora uyu ndiye achakubatsira kuchema kwako. Munhu akangwara anowedzera hama dzapamoyo kwete kuunganidza vavengi. Murume anoda ini kupfuura uyo Bodo hama yangu.Murume ari kungohura newe chete. Haunetsi kukwira saka akakusarudza kuti uite hure rake. Uyo umwe musikana ndewekuti kana oda kuroora agoroora. Iwe wosiiwa kuti utsvake umwe murume wekuhura naye akamirirazve kuroora munhu kwaye. Hwisisa apa. Mahure ese anofunga uti anodiwa kupfuura mukadzi wemumba. Hatisi kudanana. Murume uyu ishamwari chete. Murume murume chombo chake chinongomiswa nezvinhu zvinomisa vamwe varume. Iwe munhu uyu haasi mwana wamai vako saka ukakanganisa kugara akaona zvaaona anongomirawo zvinoita vamwe. Zvokuti ishamwari yako izvo musi waunotukana ne Boyfriend yako ukatizira kushamwari iyi kuri kutsvaka wekukubatsira kuchema, anochema newe agokukwira futi agokurambisa agotadza kukuda zvakare. Munhu itawo shamwari dzechikadzi dzisina ma Issues akawanda. Kana wada dzechirume, wirirana nehazvanzi yako umuudze zvese zvinoudzwa zviri pamoyo. Shamwari dzechirume hadzina kusiyana ne spare boyfriend. Kuzvitsvakira matabudziko akawanda. Murume wangu ahura saka ini ndoda kutsiva Mukadzi anoti murume ahura iye oda kuhurawo kutsividza zvaitwa nomurume munhu asina kana njere. Kana murume wako ahura iwe ingofunga kuti wotonga sei nyaya yako. Kana wada kumuregerera regerera uchiziva kuti axhahurazve. Kana wada kumuramba murambe uchiziva kuti iwe pachako Market value yako yadzikira nokuti wave DIVORCEE, mvana, kana second hand goods, anova mazita auchadaidzwa navanhu. Hazviiti kudzokera pausikana. Hino ukazohura pamusoro pazvo, vanongowedzera rimwe zita rokuti hure. Murume wako anongoudza vanhu kuti wakahura. Nyaya yatopera. Hakuna hama yake kana yako anombozofunga zvokuti murume ndiye anga atanga kuhura. Society yedu haibvumiri kuhura kwemukadzi asi kwemurume vanongokuudza kuti muendese kudare nyaya itongwe.
Posted on: Thu, 20 Jun 2013 08:34:55 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015