MAMBO VANE NZEVE DZEDHONGI Kare kare ndokunge paina mambo vaiva - TopicsExpress



          

MAMBO VANE NZEVE DZEDHONGI Kare kare ndokunge paina mambo vaiva nenzeve dzainge dze Dhongi. Hapana aizviziva, chero mudzimai wake chaiye aisazviziva nekuti vaiti utongi hwavo huri pakusabvisa zidhuku ravaimonera chero ipi zvayo nguva. Rimwe zuva vakafarisa vakafunga kunogeza kurwizi. Sezvineiwo umwe mukadzi aitsvaga huni akanzwa kuti pane munhu, akadongorera, wanike ndimambo vari kugeza, wonei ah, vane nzeve dzedhongi. Mambo akamuti ndiye ega anoziva nyaya iyi, akangozvinzwa zvichitaurwa achauraiwa. Mukadzi akabvunda, akavimbisa kusataura. Asvika kumba hameno zibundu raifamba nekudzika nepahuro, ronogara pamoyo rotanga kutamba tamba riri ipapo richingoti, TAURA, TAURA, TAURA. Akabva afunga kungonozvitaura kusango kusina vanhu kuti pamwe ringaserere. Akabva ananga kusango. Vamwe vana vaitamba zvavo musango ndokuona mukadzi aifambisa vakati ah, ngativandei mumakwenzi seri kwechuru. Uya ndokuti, Vakuru vakati reva ishe wakamira pachuru, ndokumira pamusoro pechuru ndokuti, Ah, zvandaona nhasi chokwadi, Mambo here kuita nzeve dzedhongi, miti, uswa, churu nemi matombo, mambo ane nzeve dzedhongi heheeeeeeeede, huriii. Akabva anzwa kurerukirwa akadzokera zvake kumba. Waive mwedzi muchena, vana vachitamba pada ne fish fish ndokufoma nziyo yavo vachiti, Fish fish, Mambo - vane - nzeve - dzedhongi and bye. Mambo vakatsamwa vakadaidza mukadzi uya usiku ihwohwo vakati, hakuna mumwe ndiwe anozviziva and uchatofa chete. Pane vanhu vane twuma secrets kunyange mu marriage chaimo, asi hapana chisingabudi, one way or th othr secret yako ichazikanwa chete, zvanga zvakadii kuti uitaure wega isati yatanga kuimbwa mumaraini umo. Pane vanhu vasina chinogara muhana, pane vakadzingwa mabasa, vakarambwa navarume, vakagadzwa matare, vamwe vakafa nekuda kwemakuhwa. Hana yemu Kristu ngaisaregedzera seyamai ava zvekutadza kudya kana kugara nekuti havana kutaura zvavanoziva, zvavanofunga kuti vamwe havazivi. Hanzi neshoko raMWARI leader anofanira kuchengeta zvakavanzika zvekereke muhana yakanaka, kwete kuti zvataurwa ku meeting zvinongobvogonyorwa kuvana. Kwete kuti kana munhu auya nedambudziko rake rinoswera razadzwa muvanhu. Kwete kuti kana munhu areurura upombwe pakubhabhatidzwa zvinoswera zvoudzwa vanhu. Ngatisataurane nekusekana zvinenge zvatiwira vatendi vashe, asi tisimudzire vanenge vawira pasi nerudo.
Posted on: Tue, 06 Aug 2013 11:57:24 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015