Muzita raBaba remwanakomana nemweya mtsvene Touya pachigaro - TopicsExpress



          

Muzita raBaba remwanakomana nemweya mtsvene Touya pachigaro chenyasha mangwanani ano Thank u for yr love and mercy Matichengeta throughout the night Baba Hatina kukodzera asi imi mune nyasha dzisingapere Tiri vatadzi Baba Taingokumbira kucheneswa nemi Baba vangu. Zadzisai shoko renyu Baba Motaura kuti nyangwe zvivi zvatsvuka seropa motichenesa semazai echando Tiregerereio Baba vedenga Tiichenesei mutidzidzise kufamba nemi Tenzi wangu Toda kuva venyu zvachose Tigonesei She wangu Tega hatigoni Tumirai holy spirit munyaradzi wedu Atitungamirire Atirwire kubva kuruoko rwemuvengi Maita henyu Baba vangu Nezuva ranhasi Mationesa zuva iri for a reason oh Lord Itai tikupei mbiri yose nerukudzo Baba nekuti zvakakodzera kwamuri moga Titungamirei Tenzi hatisati takambofamba muzuva iri Toziva matorinatsa kare Pamazuva ano ema ten days Lord Tisangozvinyima zvezita kana kuteedzera vamwe Asi tizvipire kwamuri nemwoyo yakaperera Tizive ma reasons for fasting Tibvumbamirei Tenzi wangu Tega hatigone Baba Toda simba renyu Tenzi wangu Tinzwe nekuita zvoreva shoko renyu mtsvene wedenga Mazvita henyu Baba vangu Tokutendai mangwanani ano Mune rudo Baba Mune tsitsi Tenzi wangu Simukiraio nyika yedu Baba vangu Nekuti mukasimuka vavengi vanoparara Taurai murimi Tenzi wangu Vharai ma doors ezvakaipa Baba Zarurai ezvakanaka mtsvene waShe Batai our leaders Baba Give them wisdom seyamakapa king Solomon Vagone kukunda zvakaipa nekutitungamira isu vana venyu Vega havagone Baba Tochemera nyasha dzenyu Tenzi wangu Batai each and every sector and department oh Lord Nyika yedu yoda imi Baba Pastors nevese vanoshandira imi ndovaisa kwamuri mangwanani ano Renew their strength mugore rino Baba vangu Vachengetei Baba Muvakundise pazvose Rangariraio grp redu Mwari wangu Tibatsirei Babaa Zvatodzidzisana zvive zvobva kwamuri Baba vangu Tiiteo zvinoda shoko renyu Baba Tigonesei wedenga Dururai nyasha dzenyu matiri Let yr favour speak for us oh Lord Batai each and every member of this grp Baba Makatiunganidzira for a purpose Baba mine nyasha Batai all the families dzakamiririrwa pano Patotanga rino gore tangaiwo nesu Tifambe nevision yaJoshua Meditation pashoko renyu Baba Tirivige mumoyo yedu saDavid kuti tirege kukutadzirai Maita henyu Baba vangu Totenda nyasha dzenyu Baba Ivai nesu muzuva ranhasi Msatisiya tichiedzwa Tinunurei Baba vedu Mbiri nerukudzo ndodzorera kwamuri muzita raJesu A M E E N
Posted on: Mon, 05 Jan 2015 05:48:33 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015