Ndine Company yandaimboshanda but now handichashande ikoko, but - TopicsExpress



          

Ndine Company yandaimboshanda but now handichashande ikoko, but do you know kuti ndine imwe information yandinoziva pamusoro peCompany iyi isingazivikanwe nevamwe vanhu vese. Ndine zvandinoziva but iwewe zvausingazive pamusoro peCompany iyoyo zvekuti ndinogona kukuudza zvinhu zvekuti unopedzisira wakufunga kuti ndichiri kushanda ikoko, ukasvika pakundiTruster zvekuti tinopedzisira taita maTransactions ndikakuvhara mari. (handidaro zvangu) but ndiyo same tactic inoshandiswa nasatan. satan uyu aitova ngirozi yaishandira Mwari before kupanduka kwake. satan ane imwe information maringe nezvinhu zvaMwari nezvekudenga uku, zvekuti anogona kukuparidzira ukakabira uchifunga kuti ndiye the right person wekuDealer naye. satan anogona kushandisa maAgents ake kuti aparidze imwe information yaunonyatsonzwa kuti this is only from heaven but chokwadi ndechekuti vakomana ava havachashande kunaMwari, and ukaita zvekutamba unonyura. so munhu akangwara haagumire pakuwirirana neVaparidzi but wiriranawo naJehovha muridzi weDenga kuti uzokwanise kuziva kuti hongu munhu uyu aparidza true information about heaven but itsotsi rakapandukira Mwari. 2 Vakorinde 11: 14-15 Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza. 15Naizvo- zvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.
Posted on: Thu, 15 Aug 2013 05:26:15 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015