Ndopaunoona mumwe munhu achienda kunanga wobva wanzwa kupera simba - TopicsExpress



          

Ndopaunoona mumwe munhu achienda kunanga wobva wanzwa kupera simba kuti chii asi nhai ko Mwari inga varikungotaura wani kuna Isaya 55:2 kuti munoparadzireiko mari muchitenga zvisati zviri zvokudya nezvamakabatira muchitenga zvisingagutsi,ndopaunoona mumwe achinotenga chikwambo woshaya kuti hindava chikwambo ichi zvachinenge chinozomumutsira basa zvee.wobva wafunga kuti ko inga kurikunzi nditeererei zvakanaka mudye izvo zvakanaka wani.Woona kuti umwe munhu arikuti tenda kunanga achiti siyavhuma nkosi asi Mwari mupenyu wazvokwadi ariko arikuti rerekerai nzeve yenyu kwandiri kwete kune umwe munhu anoparara ayiwa hanzi kwandiri inzwai mweya yenyu igorarama ndopaunoona mumwe achitenga machira emudzimu woshaya kuti sei izvo mudzimu wacho haauzive asi arikubvumira ko nhai hedquatr iyi yavadzimu iripi chaizvo sei?.Sekuru vaurikuda kunamata vaktofa vachitambudzikawo wobva watarira kuna Mwari ndopaunoona kuti nga Jesu akaroverwa akavigwa uye akamuka vanhu vakamuona achidzoka kudenga arimupenyu ko uyu ndeupi uyu wavekuda machira futi uyu hoo ndoLucifer aka koda kubhigwa. Woona futi kuti uku kunanga kunodiwa mari asi uku kuri kunzi huyai mutore ruponesu musina mari pasina mutengo woona kuti vamwe voshandiswa nasatan kunobhadhara kunanga.
Posted on: Thu, 02 Oct 2014 13:22:28 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015