Ndorangarira rimwe gore pakatanga kunetsa mvura, we tried kuchera - TopicsExpress



          

Ndorangarira rimwe gore pakatanga kunetsa mvura, we tried kuchera mugodhi. Problem yakaitika ndeyekuti tichangoti dzikei about 1 meter takasangana nedombo risina kumira mushe. Kudoedza kutimba pano nepano zvakaramba, tichibva tangosiyana nazvo. But ndichiverenga Bhaibheri ndakaona vana veIsrael vachichema nyota, Mwari ndokuudza Moses kuti enda nevanhu kudombo.(Exodus 17:6) Dombo here vakomana, isu takaritadza nemapiki but Mwari anoti Moze tora tsvimbo muende padombo. Kana piki yatadza kutsemura dombo we don’t expect kuti tsvimbo ingazvigone izozvo. Isusu vanhu tinotarisira kushandisa madynamites kana tasangana nedombo or kutsvaga vaye vane maMachines anoDriller maBoreholes and hapana guarantee yekuti munoiwana mvura yacho. But kana vari Mwari vanongoti Moses tora tsvimbo uende paDombo. Hey Mwari anoita zvisina kujairwa nevanhu uyu. Apa Moses haana kunzi enda unochera padombo, kwete, akaudzwa kunzi enda unorova dombo. Sekufunga kwako tsvimbo ikarova dombo ndechipi chinotsemuka. Tinotarisira tsvimbo kuti ndiyo ichatsemuka, but dombo ndiro rakatsemuka, mvura ikabuda. Vanoshamisa Jehovah. Vanoita zvisina kujairika neVanhu. Kana Mwari vakamboita minana yakadai, rega kuDoubter simba ravo
Posted on: Tue, 16 Jul 2013 15:22:45 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015