Pray with me ... Baba ndinokutendai nekuti makanaka, imi - TopicsExpress



          

Pray with me ... Baba ndinokutendai nekuti makanaka, imi munondifambisa panzira dzekururama nekuda kwezita renyu, muri mutsvene baba hakuna wakafanana nemi... Pandinodonha baba ngandisimudzwe nemi, pazvinorema baba nditakurireiwo mitoro yangu, pandinochema baba ndinyaradzeiwo imi mweya munyaradzi . Baba ndinokutendai nekuda kwehurongwa hwakanaka hwamuinahwo pamusoro pahupenyu hwangu, ndinokutendai nematafura amunondigadzirira pamberi pevadzivisi vangu, hakuna rimwe zita randichrumbidza kunze kwezita renyu, ngarirumbidzwe uye ribatwe nehutsvene nekuti imi Mwari makatendeka, vanhu vanonyepa asi imi Mwari hamurevi nhema, munozadzisa zvivimbiso zvenyu, hamundisiye ndiri ndega baba muri mufudzi akanaka.. Chivai neni zuva ranhasi nekusingaperi ndinzvngesei pamuteyo yose yandingaisirwer nowakaiapa. Baba ndisananganisei nemunana wangu mwaka uno muzita raJesu ndanamata.. Tese titi Amen
Posted on: Thu, 22 Aug 2013 04:38:55 +0000

Trending Topics




© 2015