Sekuru forum yenyu yakanaka, zvirikuita kuti titaure zvirikuitika - TopicsExpress



          

Sekuru forum yenyu yakanaka, zvirikuita kuti titaure zvirikuitika matigere. Ini ndiri murume ane mhuri. Ndakambopanduka rimwe gore ndiri mukomana sekuru. Kupanduka chaiko sekuru zvekuti amai vangu vakaneta neni. Kuipa kwazvo ndini ndega ndaiva mukomana pavasikana 4. Ndini ndega ndaiva ndakadzidza kudarika vamwe. Ndakanotsvaga basa musouth africa. Ndakawana basa ndokubva ndatanga kushanda, ndichitumira vabereki mari kumusha. Ndakazosanganawo nemumwe mukadzi aiva mupurisa. Aiva nemwana mumwechete. Takadanana tikapengesana, tikatanga kugara tese kuflat. Takagara 2 years ndisisatumidzire kana zuda kumusha ndikachinja nenumber dzangu kuti ndisanetswe nevekumusha. Kubasa ndaiwana mari yakawanda kutodarika mukadzi uyu. Takabva tatenga stand tikavaka imba yaiva ne6 rooms tikazadza neproperty. Zvisinei we started having problems achiramba kundiitira mwana. Ndipo pakanetsa ipapo. Rimwe zuva ndiri ndega pamba ndakasvikirwa nevakomana vatatu vaiva nepfuti. Ndakarohwa mbama svinu zvikanzi enda kumusha kwenyu kana usingade kufa. Vakati takura hembe dzako chete zvimwe usiye pano. Pavakabuda panze vakapfuura imbwa nepfuti ikabva yafirapo. Zviya zvekuda kundiratidza kuti vaigona kundiuraya. Vanhu ava havana chavakatora mumba kana chavakaparadza hapana. Vakanga vavinga ini and zviri pachena kuti vakanga vatumwa nemukadzi uyu wandaigara naye. Ndakarongedza hembe dzangu chete ndikadzokera kuZimbabwe after 5 years pasina aiziva kuti ndaivepi. Ndakasvika nembatya dzangu chete sekuru. Baba vangu vakapenga vakati ibva pano, hanzvadzi dzangu dzikadaidzwa dzikandidzingawo asi amai vangu vakamira neni. Vakaramba vakati mwana wangu hapana kwaanoenda. Sekuru ndakanga ndadyiwa mari yese asi amai vangu vakanditambira. Vakati irombe rangu mwana wangu handingamurase. Ndakagara pamba handina kumboita nguva refu ndikawana basa. Ndakatanga kushanda ndichiita zvine musoro. Ndichibatsirana nevamwe kuchengeta vabereki vedu. Ndakazoroora mukadzi wangu nhasi tatova nevana 3. Tatova nemba yedu uye ndakatozoita zvirinani ndiri muno muZimbabwe pane zvandakanoita Joni. Handirikanganwe gore ra2001 pandakadzoka pamba ndisina kana sweet zvayo. Handina kuzombodzokera joni futi. Sekuru Joni inopandutsa iyi. Unoshandira mahara, zvikapera zvese iwe ukadzoka usina chinhu. Unodyiwa ukasara usina kana nerand zvaro. Handizive kuti mazuvano zvirisei asi panguva yandaivako ndakasvetwa mari. Ndakazofarira kuti handina kupihwa chirwere. Varume muchenjere kuchengeteswa vana vasiri venyu mozomhanyiswa futi. Zvakaitika kwandiri saka muchenjere. Anonymous
Posted on: Sun, 09 Nov 2014 17:46:38 +0000

Trending Topics



px;">
Attention Tax payers: If you are a salaried taxpayer claiming HRA
BEHIND YOUR SMILE What is behind your smile? Of course, everyone
Morning! Looks like it may rain today here. That would be welcome
lass="stbody" style="min-height:30px;">
Chinese Celebrity superstar is currently in Wilshire Blvd. Los
It just ocCURD to me that we missed our Tuesday cheese pick from
*sigh* The internet can bring out the worst & best of us. I must
There is ethnic cleansing and genocide that Kiev junta carries out
Marissa and I have not been this close, traveled this much, been

Recently Viewed Topics




© 2015