THE POWER OF PRESENCE Hama munashe kune vanhu vekuti kana - TopicsExpress



          

THE POWER OF PRESENCE Hama munashe kune vanhu vekuti kana vakasvika panzvimbo munovhunzana kuti vanga vachidei. Munhu anonzi mupurisa we ZRP ukanzwa kuti vasara vakasvika pamba penyu unorohwa nehana nyangwe usina mhosva yawakapara . Kana ma Hwindi achideedzera Kombi pa rank vakaona mapurisa anotiza uye kana uchifamba nemotikari ukaona mapurisa kaita Road Block unoona vanhu vachida kutiza. Ukaona panzvimbo paita Masoja kana pange pane mhirizhonga unoona vanhu vachitiza kuvhunza zvaita sei unonzwa munhu achiti ko Masoja hauoni here? Hama ndiro simba rehuvapo. Kana pamba pakaita muroyi mwana mucheche haavati achichema .The POWER OF PRESENCE huvapo hwaJehovha muhupenyu hwako hwakakwana kuti ukunde wakaipa Sartani anotiza akaona Jehovha . kana paita mwana waMwari unonzwa kana mahure achiti tofara seiko neava vanozviita ma Holies . Kana paita mwana waMwari kana varoyi unonzwa vachiti toita basa redu sei? Kana kare kwedu tichida kuona vasikana ukawana budhi vake varipo kana baba waibva waita sekuti hapasipo panogara musikana wako. FEEL THE PRESENCE OF GOD IN YOUR LIFE #SAVE#
Posted on: Sat, 26 Jul 2014 18:17:42 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015