Tete nedare makadini zvenyu veduwe rangu dambudziko - TopicsExpress



          

Tete nedare makadini zvenyu veduwe rangu dambudziko .ndakaroorawo mukadzi ane mwana wake last ndikanobvisa pfuma yese ndikapedza now ndinewo mwana naye ndomwana wangu wekutanga now dambudziko veduwe mukadzi uyu haandi onewo semurume wake anongondirafura haembe dzangu ndzvi ayinira kubika chaiko ndikabva kubasa ndowana akanorara zvake asina kana kusuka maplats ndikangoti ndibvunzewo kuti hatidye here nhasi anoti iwe hauna maoko bika ini ndakaguta ndotonga kusuka ndikabika nhaiye anodawo kudya kana kutsvaira chaiko ndini ndotsvai ma wekends mumba mampas anongo kanada chero haabvise ndingati mukadzi wangu ane huchapa ndikangoti titaurewi anopindura rafu zvekuti nepaatadza ini ndini ndopedzisira ndokumbira rugerero hama dza hama dzangu haadzide chero dzake chaidzo haadzide zvino vekwangu havachatombouya vanoti garai kumba kwenyu mukadzi wako haade vanhu veduwe yard chaiyo ndini ndotsvaira kana ndiri pa off. Bonde racho ndava ne 2 weks izvezvi anongoti ndakaneta nekumwisa mwana veduwe mukadzi wangu ndomuda asi now akuita achibuda mumoyo mangu and andina kana zuva rimwe zvaro veduwe randakambotiwo ndaita gumbo panze. Asi ndagara pasi ndashaya kuti chandakamutadzira chiiii kana zuvawo zvaro randingati ndakamupa mbama veduwe ndashaya ini kuti ndodini zvese ndongozviitirawo here ndabva kubasa iye akango gara ndotofema ndiri kubasa kana ndava mumba hamuna mufaro veduwe saka ndorugarewo here urwu rwamunarwo mudzimba menyu kunyima chaiko mukadzi wangu anoto sarudza kukanda zvunhu mutoilet chingava chikafu kana hembe haape vanoshaya veduwe musatyawo kundiudza kana ndiri ini ndakaipa ndibatsireiwo ndodini Vanotuka tukai zvenyu. Asi mangwana zviri kwako .
Posted on: Thu, 20 Jun 2013 11:14:35 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015