The Untold Story of a rural Kid Part 2 Hama ukaona mwana - TopicsExpress



          

The Untold Story of a rural Kid Part 2 Hama ukaona mwana akakurira kumusha ndangariro dzake dzsingabvi ikoko pane zvakawanda zvinomudaro. Vana mai vakatirera vanoda kurangarirwa hama munashe. Chokwadi ukatarisa paruzevha hapana zororo . Vazhinji takazvarwa takawanda mudzimhuri umu waiona mai vakati mwana kusana mumwe mumaoko kamwe kachitamba uko . Kumunda vaisakura vakatibereka kumusana mvura ichinaya . Kubuda mumunda imomo zvekare vobva vakatakurana nesvinga rehuni mumaoko vakatakura zvimurivo zvekubika . Kumba kusvika havazorori ndivo varipo pamoto kubika kupedza kubika havo kudzokera mumunda zvekare . Variko vana mai vaigara nevana chete vana baba vari dhorobha mai vaitora basa rababa pamusha ipapo .Musi unonzi vana mai vakazorora kumusha wainge uri musi wavari kuwacha nekudiridza magarden zuva rose reparuzevha rine basa. Vazhinji kupinda zvikoro ishungu dzavana mai vaiti ndinoda wangu mwana aite sedzimwe pwere . Vamwe dai vasiri vana mai tingadai tisina kusvika . pabatei handina kuti vana baba havana kukosha nhasi uno ndati nditange nemutorwa amai vatisina rudzi navo. Varoora vose uko ukaona murume wako achiti ndinoda kuitira amai vangu zvakati musiye aite ndiye anoziva kwaakabva namai vake. Munotendwa vana mai munotendwa nekurera #save#
Posted on: Fri, 29 Aug 2014 15:25:34 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015