Tinamate Tose mangwanani ano! Baba tinokunamatai nekukupai mbiri - TopicsExpress



          

Tinamate Tose mangwanani ano! Baba tinokunamatai nekukupai mbiri mangwanani ano. Baba tinouya pamberi pechigaro chenyasha dzenyu tichikutendai nekusimudzira zita renyu. Mazvita Jehovha nekurara kwamaita makatichengeta uye kutimutsa tiri vatano nyama nemweya zviri pamwechete. Baba rumbidzwai mangwanani ano namatwai Jehovha mangwanani ano. Ishe ivaiwo nesu pazuva ranhasi zvose zvatichabata kufunga kana kuita ngazviendeke nemuzita renyu mambo Jesu werugare. Ishe mweya mutsvene tinodaidza zita renyu mangwanani ano tichisasa ropa rechikuriri mumigwagwa kuti mweya wechisatanism wekudeura ropa ugoshaya mukana. Baba tinoramba kutongwa nasatan Ishe ivaiwo nesu pose patinova tiri musatisiya tiri toga chikonzero kana tiri toga hatigone. Ishe tenzi tinodawo maropafadzo enyu mukurarama kwedu. Baba tauraiwonesu muhupenyu hwedu. Jehovha komborerai nekuropafadza patinopinda nepatinobuda nazvose zvatinobata nemaoko edu. Mazvita nefavor yenyu yamatipa kuti tikwanise kuona zuva ranhasi vakawanda vanga vaine shuwiro yekurionawo zuva iri asi vatorwa nenguva saka baba tinokutendai nefavor iyoyo yamaita kuti tiverengwe kuvapenyu pazuva ranhasi. Mbiri nerukudzo tozvidzorera kwamuri nezita raJesu amen! Daira amen kuna Jesu mwana waMwari
Posted on: Fri, 26 Jul 2013 04:03:15 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015