[Tinamate mangwanani ano Mwari wemasimba ose tinouya pamberi - TopicsExpress



          

[Tinamate mangwanani ano Mwari wemasimba ose tinouya pamberi penyu sevana venyu tichikutendai nekutiwanisa uno mukana wekuona zuva ranhasi. Tinokuvongai baba tichikupai mbiri nekuti muneNyasha neRudo zvinogara nekusingaperi. Tigonesei Mwari kuswera munerino zuva reChitatu zvakanaka , zarurai makomborero baba kunevanoshaiwa, vanotsvaga mabasa , nherera , shirikadzi, vakaremara nevanorwara vaporesei baba. Chitigadzirirai nzira dzatichafamba nadzo kuyenda kumabasa baba chenurai nezvatichabata mukomborere Jesu. Tiregerereiwo zvatinokutadzirai nguva nenguva Mwari mutipe simba rekukunda miyedzo yasatan mukuswera kwedu. Chivai nesu kubva zvino nekusingaperi ndanamata ndichidzorera mbiri nerukudzo kwamuri in Jesus mighty name. Amen...!!
Posted on: Wed, 10 Sep 2014 03:26:05 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015