ZION CHRISTIAN CHURCH TABAKONI CHEGUTU 100 29 – 30 June - TopicsExpress



          

ZION CHRISTIAN CHURCH TABAKONI CHEGUTU 100 29 – 30 June 2013 PART A 100 YEARS AGO, GOD VISITED THIS PLACE Mubhaibheri takaona Mwari nedelegation yake inoti: Ivo Mwari baba Mwari mwanakomana Mwari mweya mutsvene Vachishanyira varume vaivaka rusvingo rweBaberi (Genesis 11 vs. 6). Tikazoona Mwari nedelegation yake vachishanyira vanhu veSodoma neGomora vachindovaparadza nekuda kwezvivi zvavo. Team iyi yakaonekwa naAbrahama pavakapfuura nepamba pake vari murwendo kundoparadza Sodoma (Genesis 18 vs. 1). 1913 Mwari ndipo paakazoti pfacha paHakireni achivinga murume unonzi Samere Mutendi achisevenza ari mupurisa. Chinhu chakakosha chatinofanira kuziva ndechekuti Samere was an outstanding man, because he was educated and a busy man. Mwari akaona kuti Samere akarongeka,ane discipline,uye semunhu aiva mupurisa,aiva zvekare brave(ushingi). Kureva kuti tikazvitarisa kare kare ikako 1913 kwaiva kusati kwava nemateachers kwaiva kusati kwava nezvikoro chero madrivers nekuti kwaiva kusati kwava nemota asi ngoro. Basa raitova repamusoro kuva mupurisa, zvikoro zvazovako Samere akazoita teacher paGumunyu. Mwari ndizvo zvaakadira Samere kuti: Aive akarongeka Aive disciplined semupurisa He was educated (aive akadzidza) He was a busy man (aiva aine basa raaiita) nekuti Mwari haashari simbe kana munhu akangogara. Aive munhu ari smart, zvinoonekwa pakuti aigara akapfeka uniform yake neheti mumusoro kana dziri shangu aigara akapolisher. Mukazvitarisa kare kare ikako hapana vatema vaipfeka shangu kana kusunga mabhandi,asi makavi. Saka musareverwa nhema nevanhu vanoti Zion ikereke yakatangwa nemunhu asina kudzidza. 1913 hapana anga akadzidza saye. God: Search choose, appointed, then annointed Samere 1913 pano paChegutu. Ndipo pakabhabhatidziwa Samere nemweya mutsvene. Pano patauya ndipo pakashanyirwa Samere naMwari 100 years ago, asi isu hatisi worried nekuti nzvimbo yacho iri papi chaipo muno muChegutu asi tinoitira chero patadira asi muri muno muChegutu. ZVAKANDIWIRA ZVAKATOFAMBISA EVHANGERI (VaFiripi 1 vs. 12) Kare kare maZion eJoni vakatuma delegation kuMuranda waMwari Samere paMutarara kuzomubvunza kuti ari kuzvifambisa sei kuti basa rirambe richifamba nekuti vaiona dzimwe kereke dzakavambwa mushure meZion, after 1913 dzichifa asi Zion yaSamere ichiramba ichingofamba, uye kuti akangobhabhatidza vanhu kana kukusha mvura votorira nendimi. Samere haana kuvapindura nemuromo asi akangoti zvakandiwira paHakireni ndizvo zviri kufambisa evhangeri (VaFiripi 1 vs. 12). Izvo zvaaireva kuti zvakamuwira ndicho chipikirwa chemweya mutsvene. Saka maZion zivai kuti zvakawira Samere 1913 paChegutu ndizvo zviri kufambisa evhangeri nhasi. Uyu mweya wa1913 wakabhabhatidza Samere pano ndiwo uri kuita kuti Nyika dzedu dzifambe zvakanaka uye dzisafa, Macentres edu afambe zvakanaka uye dzisafa, Matabhera edu asaite noise uye asaderera, Saka musaiite mistake yekuda kubata basa raMwari munyika menyu musina mweya wa1913. Vadzidzi vaJesu vakasiya vanzi naKristu musaite chinhu musati magashira mweya mutsvene asi mirirai mweya mutsvene muri paJerusarema (Mabasa 1 vs. 4), uyo wakazouya nezuva rePentekosta (Mabasa 2 vs. 1). Saka musazvinyengera kunoita chinhu musina mweya uyu wa1913. Musaite sevaGaratia vakatanga mumweya vakazopedzisira vava munyama (VaGaratia 3 vs. 3). zivai kuti chinopatisa basa raMwari kubata basa raMwari panyama saka muchiona tabhera, macentres enyu achifa. Saka tiri pano kuzotora mweya uyu wa1913 unonofambisa basa raMwari kunyika dzedu kwatinoenda. Kubata basa raMwari munyama ndiko kuti coordinator, minister kana chairman anotora platform yaMwari kuzoudza maZion nezvemahuman rights asi iwo ma ten commandments(mitemo inegumi) iripo kana kushandisa intelligence dzenyu. Isu paZion tinoshanda nemweya wa1913 kwete zvevanhu venyika zvemahuman rights. Zvino kana zvakawira Samere paHakireni (zvomweya mutsvene) zvirizvo zvinofambisa basa, ko izvi zvouraya basa raMwari zvabvepi uye zvakawira ani, uye kupi.saka chenjerai kubata basa raMwari nemweya wakaipa wemadhimon iwo wa1913 uripo. MWEYA WAMWARI UNE SIMBA (Mabasa 1 vs. 18) ASI NYAM[truncated by WhatsApp]
Posted on: Tue, 02 Jul 2013 23:57:41 +0000

Trending Topics



y" style="min-height:30px;">
Everyone meet Marlee! She is an 8 month old bully (English
Bonjour en anno svp bonjour a toute je vous explique je suis en

Recently Viewed Topics




© 2015