ZION CHRISTIAN CHURCH TABAKONI REUNGANO YE- GREAT BRITAIN 22 - - TopicsExpress



          

ZION CHRISTIAN CHURCH TABAKONI REUNGANO YE- GREAT BRITAIN 22 - 24 AUGUST 2014. 1. TINGAITA A MOMENT OF SILENCE HERE PAKURANGARIRA ELDER MAZVAZVA? VaFarise vane tsika yokuti kana vakafirwa nehama yavo, vasati vatanga basa rose ravanoda kuita vanomboita a moment of silence vachirangarira hama yavo inenge yavasiya. Hongu ichi chiFarise hacho, asi sechiro tafungavo kuchiita pana Elder Mazvazva tingaita a moment of silence here kana kuti panotoda a week or a month of silence? Nerimwe gore vaJemias Mayebha vakauya kuzobata mavoko muranda waMwari pakashaika imwe mhare yainzi Murove, saka akasvika akati kumuranda waMwari, what a big lost, hongu chirungu chacho change chisina kunaka asi sense yavaieva ipapo yaiva yazvokwadi. Pakereke pano tine magamba akawanda akatisiya, rimwe racho ndiElder Majuta, gore ravaenda takati iyi ndiyo a big lost asi maronda acho asati apora nhasi Elder Mazvazva vaenda, iyi ndiyo chaiyo a big lost yazvokwadi nokuti tose tinoziva kubata kwemurume uyu paZion. Asi hatina zvatingaita nokuti Mwari watotonga, isu sevanhu takaita zvose zvataigona tichida kuti ararame asi Mwari akazotonga sezvatazoona izvi. 1. MUSATANGA KUTSVAKA MARI MUSATI MATSVAKA MWARI (Zvirevo 8 vs. 17). Elder Mazvazva vakanga vari mentor wevanhu vakawanda, asi pane umwe mukomana wavakatora vakadzidzisa kuti, iwe meso ako anotsvaka mari asi meso angu ini anotsvaka Mwari, asi kuti uwane mari yaunoda tanga watsvaka Mwari. Iri ndiro shoko razvokwadi, mubhaibheri mose hatisati tambowana munhu wakaenda kuna Mwari achitsvaka mari akaiwana, asi vose vakatsvaka Mwari ndivo vakazowana zvinhu zvose nezvavakanga vasina kukumbira. Kana ari Kristu wakanyatsotidzidzisa zvakanaka achiti, tangai zvoushe hwekumusoro, zvimwe zvose zvichawedzerwa kwamuri (Mateo 6 vs. 33), kureva kuti chokutanga ngatitsvake Mwari, zvimwe zvose zvaunoda zvinokwanisa kuzotengwa uchishandisa mari usazvitsvaka nokuti Mwari anokupa chero usina kumukumbira. Shoko rokutanga pakutsvaka Mwari haritariswi zera, vazhinji vangaona sokuti Mwari unofanira kutsvakwa nemunhu wakura, izvo kwete, chero ukava mwana mudoko chokutanga, tsvaka Mwari nokuti ndiye muridzi wemari. Mubhaibheri mose takaona munhu umwe chete wakatanga kutsvaka mari akazouya achida kutsvaka Mwari asi haana kuzowana Mwari wacho. Jaya mufumi rakatanga kuwana mari risati rawana Mwari, saka rakazouya richida kutsvaka Mwari kuna Kristu rikapiwa murairo wokuti ritengese zvarinazvo rizvipe kuvarombo rikakonewa zvachose (Marko 10 vs. ), saka kana muchida kuti muwane mari tangai mawana Mwari. 1. SHEPHERDING. Mwari unofarira vafudzi vanofudza makwai ake nezivo nenjere (Jeremiah 3 vs. 15). Asi kana uchifudza makwai aMwari unofanira kumafudza uchiziva kwaunoenda nawo. Kana uchifudza makwai aMwari zvakanaka unoona nokuteverwa kwako nawo because a good shepherd has many followers. Kana uchifudza vanhu zvakanaka kunyangwe pakaita vanotendeuka, havambowanikwi vanhu ivavo vadzokera sure. Kana uchifudza vanhu zvinoda kuti tione kuti makwai ako ane mufaro here. Kuti makwai ako ave nomufaro ziva kwekumafudzira nokuti makwai aJehova anoda kufudzirwa pamafuro manyoro kureva panowanikwa shoko rowedenga. 1. KANA UCHIDA KUONA MUFARO WEMAZION UNOMUONA CHETE KANA VOBAIRA PANA MWARI WAVO. Kana uchida kuona kuti uri mufudzi wakanaka here mirira maZion kana ava kubaira, ipapo uchaona vachifara zvikuru. Isu maZion tisu takazadzisa mashoko akataurwa naKristu nomuromo wake kuti kupa kune mufaro kunodarika kugamuchira (Mabasa 20 vs. 35). Kana ari Mwari wakati kuna Kaini kana ukaita zvakanaka haungafarivo here pachiso chako (Genesis 4 vs. 7), kureva kuti kana uchipa haungafarivo here pachiso chako. Saka kana uchida kuona mufaro wevanhu vaunofudza, vatarise nguva dzokubaira. 1. IS IT POSSIBLE TO LEAD THE UNWILLING PEOPLE? Zvinobvira here kutungamirira vanhu vasingadi kukutevera? Hongu zvinobvira chose, kana ari Solomon mazuva aavaka tembere wakateverwa nevanhu vakanga vasingadi akaita zvokuti manikidza murombo kuti afume (Zvirevo 22 vs. 16). Lot mukubuda muSodoma wakaita zvokukakaradzwa (Genesis 19 vs. 16 ). Saka kana uchitungamirira vanhu vasingadi, venyika vanoti unofanira kuita push or pull kuti uvasvitse pana Mwari vakakwana. 1. THE DIFFERENCE BETWEEN PHYSICAL LEADERS AND SPRITUAL LEADERS Physical leaders tinenge tichireva vadzidzisi vose vakaiswa mavoko pamusoro, asi Spiritual leaders tinoreva vanhu vasina mabasa asi ivo vachitungamirira vanhu. Spiritual leader haana hake basa raanaro asi chake kungoratidza vanhu kuti tinobata tichiita sezvizvi, vanhu vachitokopa mabatiro ake. Zvino paZion tinoziva kuti tinawo maphysical leaders vanongonakirwa nokugara mberi kwevanhu asi zvinobatwa pasina, vanhu vakadaro vanoda kudzidziswa, isu pano tinoda maSpritual leaders vanoti pashoko re10% vanongobata zvakarurama zvokuti kana uchiona record yake, zvinoonekwa kuti uyu ndiye mudzidzisi wema10% kunyangwe zvake asina kuiswa mavoko pamusoro pake. 1. KINGDOM MAN AND KINGDOM WOMAN Munozvizivavo here kuti Zion pacharo Ushe hunotova naMambo? Zion igomo (Isaya 2 vs. 3), iroro gomo ndiro rinonzi richakwira pamusoro pezvikomo zvimwe zvikomonyana zvichava pasi. Asi zivai kuti kana Zion riri gomo, ndiani pakati pedu angada kutamba achikwira mugomo, izvo chinonzi gomo kureva murairo yedu yatiinayo. Asi kunyangwe tiri mugomo kudaro zivai kuti mugomo reZion muna mambo kureva Kristu, ndiye musoro wekereke (VaEfeso 5 vs. 22). Kana tava pano pakereke, varume vose vamunoona ava ndiyo misoro kusvikira mudzimba dzedu, madzimai haasi misoro yekereke, kuda vana mai vangaita musoro kuvana kwete pakereke. Tinofanira kuti kana tichitonamata tizvigamuchire nokuti zvakarehwa naMwari pachake kuti varume ndivo misoro yedu. Ibenzi roga rinozviramba richiti ndinoda kuti Mwari auye azondiudza amene. Zivai kuti every appointment iri paZion ine anointment. Saka vadzidzisi vose vamunoona vakamiririra Ushe hwekumusoro, nokudaro tinofanira kuzviisa pasi pavo tichiterera zvavanoreva. Kunyangwe mudzidzisi akaita sebenzi mukuona kwenyu, hamuna simba rokusamuterera. Hakuna munhu paZion anotenderwa kuti regai ndindoita verify kuti ndoterera mudzidzisi uyu here, kana mukaona Jerusarema risati rakuudzai kuti chisiyanai nomudzidzisi ngana, munomanikidzwa kumuterera chete. David chaiye wakaramba kuuraya Sauro kunyangwe mukana wokumuuraya wanga wazaruka, akaramba neshoko rokuti handigoni kutandavadza ruvoko rwangu kumuzodziwa waJehova (1 Samuel 26 vs. 11). Uye Kristu unoti vadzidzisi vose vari pachigaro chaMoses tererai zvavanokuudzai nokuzviita hamutenderwi kuzviramba (Mateo 23 vs. 1).
Posted on: Sat, 30 Aug 2014 18:38:09 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015