ZVAKAOMA ZVEUPENYU Ndakadanana nemukomana wangu sekuru. I was - TopicsExpress



          

ZVAKAOMA ZVEUPENYU Ndakadanana nemukomana wangu sekuru. I was 26 and he was 23. Mukomana wangu akandida achiziva kuti ndaiva mukuru kwaari neniwo ndaizviziva kuti aiva mudiki kwandiri. Ndakabva ndaroorwa zvakanaka sekuru. Vamwene vangu vakatanga vasingazvizive kuti ndaiva mukuru kumwana wavo. Vaindifarira zvisingaite. Ndakaita pamuviri ndikasunguka mwana wedu wekutanga mukomana. Vamwene vangu vakabva vashanya kumba kwedu. Vakabva vadhumana nechitupa changu chiri mumba pasofa. Ndipo pavakaona kuti ndaiva mukuru kumwana wavo. Vakabva vandibvunza kuti sei ndisina kumbobvira ndakavaudza kuti ndaiva mukuru kumwana wavo. Ndakavaudza kuti murume wangu ndiye akati tizvinyarare. Vakamboita kunge vakanga vanzwisisa vamwene vangu. Manheru acho murume wangu adzoka kubasa ndakanzwa vomubvunza futi iye akati hazvinei nevanhu. Vamwene vangu havana kuzombondifarira. Havana kuzombogara pamba pedu vachiona mwana. Vakabva vadzokera. Takazonzwa zvaakutaurwa nedzimwe hama zvichinzi akabatirira hama yedu. Yakabva yatoita nyaya kune vakawanda vamwe vachiti ndakashandisa mushonga kuti ndiroorwe nemurume wangu. Vamwe vachiti murume wangu akanga ashayei kuroora chembere. Isu hatina kumboita basa nazvo. Taidanana nemurume wangu and our main focus yaiva paraising our child. Vamwene vangu vakabva vatsvagira murume wangu mumwe musikana zvikanzi wezera rake. Murume wangu akabva aramba, saka vamwene vangu vaipota vachinyepera kurwara vodaidza murume wangu kumba kwavo. Achisvika kumba kwavo musikana uya obva asvika. Murume wangu aindiudza zvese. Akamboedza kuvaudza mai vake kuti aisamuda musikana uyu asi havana kumuteerera. Akazoudza baba vake ndivo vakazogadzirisa nyaya yacho. Vakaudza musikana uyu kuti vaisada kumuona pamba pavo. Vakabva vaudzawo vamwene vangu kuti vasapindire munyaya dzevana. Vakatombonetsana vatezvara vangu navamwene vangu nenyaya iyi kusvikira vamwene vangu vakazotisiya takadaro. Zvakanga zvakaoma sekuru nekuti vamwene vangu vainditi chembere yakabatirira mwana wavo, asi zvakazongopera. Tatova nevana vedu vaviri. Zvekuti mukuru ndiyani hazvina basa. Chinodiwa rudo nekuremekedza murume sababa vemusha. Kudanana ndiko kwakakosha.
Posted on: Mon, 18 Nov 2013 15:40:50 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015