1 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo - TopicsExpress



          

1 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni. 14 Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? 15 Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, 16 mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? 17 Saizvozvo, vo, nokutenda kana kusinamabasa, kwakafa hako. 1 Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? 20 Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa? 22 Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, vuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari. 26 Nokuti somuviri usinomweya wakafa, Chinonzi kutenda chii? Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni Kuti zvizonzi uku kutenda uku, pane mabasa anoonekwa Nokuti mukutenda munemurairo mutsva werudo Saka kana uchiti ndinekutenda panofanira kuva ne evidence yerudo rwacho Nokuti 19 Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotenda vo izvozvo, ichidedera. Saka kungoti ndinotenda Koga pasina zvibereko zvekutrnda uku hazvizadzisi chinhu 8 Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo. 9 Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe. 6 Nokuti munaKristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo. So rudo ndirwo runoonekwa kuti uyu mutendi uyu 22 Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomoyo murefu, nomoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka. Nokuti kana Tatenda, tinozvarwa patsva kuti tifambe mumweya uye kuti Zvibereko zvomweya zvitange kuonekwa matiri 14 Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muvupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, usingadi, hama yake unogara murufu. 18 Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi. So rudo runozadzisa murairo Rudo chii 8 Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. Saka kutenda kunoita kuti Kristu auye kuzoita ugaro hwake matiri, zvino iye kana ave matiri zvinoonekwa nei. Norudo Kururama kunowanikwa nokutenda, Kururama chii NdiKristu, ndiye kururama Kristu ndiye rudo zvekare Haapinde matiri kana pasina kutenda, hazviite Uye hatikwanisi kuita murairo werudo kana tisiri naye hazviite Saka rudo ndiwo mabasa emurairo atinokwanisa kuzadzisa only kana iye ari mukati medu 35 Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu. Saka kutenda kunozadziswa norudo, asi rudo haruwanikwi kana pasina kutenda Saka ukaona pasina rudo ziva kuti hapana kutenda zvekare Zvinongova zvepamuromo chete kuti ndinotenda ndinotenda, munhu achinyepa. Kutenda kusina rudo kwakafa Ngatimbobatei law vs grace .old testament vs new testament old testament is between God called Jehova and the nation of Israel, Moses being the prophet and mediator of it. Exodus to Deutronomy ndomune will yaJehovha naIsrael. there after life yevaIsrael nemaprophets akanga akudzoreredza vaibuda mucovenant nokuprofita kuuya kwaKristu but there is a covenant with Abraham in Genesis inopinza magentiles kuvarudzi ...by faith Abraham promised to be father of nations and all nations to be blessed ...in his seed Genesis means the beginning and christ is the beginning ....where the faith was in fathers of Israel but kutanga Exodus ...exit from beginning ..from faith. which was now hidden untill the seed of promise came to restore the faith which was from the fathers. ...John the baptist being Elijah came to restore all things 16 Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba. bringing back people to Christ. Moses a mediator and prophet of old testament and all priests were levites serving old testament and John being son of Zechariah who was a priest and was supposed to serve as a priest but he brought back or changed the levitical to the beginning ..one being king and high priest type of Melkizedek before exodus Pakachinja hulevi nelaw yacho ndovaishandira exodus ...but look Melkizedek never serves law of works yakatangira murenje after 400yrs ....but they serves law of faith now grace vs law law brings condemnation 17 Nokuti murairo wakapiwa naMosesi, asi nyasha nezvokwadi zvakavuya naJesu Kristu. we are no longer under law but grace ndokutii grace is a gift from God 8 nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; those who are under grace havaite zvivi but those under law vaibatwa nezvivi 1 Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, nyasha dzinovigira vanhu vose kuponesa but law yaisiya tirikunze 12 Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, Israel yaidzidziswa nemurairo asi isu tinodzidziswa nenyasha Israel yapihwa ten commandments vanoramba Mwari vonamata mhuru 2 Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu. Paita zvinhu two pano pakanzi law munhu anomhanyira kuten commandments. Pane law of sin and death poita law of spirit of life in Christ which one is in old testament. Mu new testament mune law of spirit 9 Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMweya waKristu, haazi wake. Mwari anopa vana vake Sonship spirit haepe murairo vokuti usawe nomumwe baba (Mwari) kunze kwangu iyo mirairo yevasati vari vana asi vaifananidza Kkkkkk ukaona uchiti kumwana vako usava nomumwe baba kunze kwangu i problem 10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo. Ongororai apa 34 Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemimudane vo saizvozvo. 2 kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene vaapostora vaakanga asanangura; Vapostora ndovakapihwa mirairo nashe ...ipi 23 Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, vuye tidane, sezvaakatiraira. 24 Unochengeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri, noMweya Amen muswere munyasha dzaKristu.
Posted on: Sat, 13 Sep 2014 05:17:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015