Amen vana vashe,,,mudikani rumbidza Jehovha misi ne nguva nekuti - TopicsExpress



          

Amen vana vashe,,,mudikani rumbidza Jehovha misi ne nguva nekuti ane chekuita newe,,Ngatimboverenga pana #Mako_2_vs_3 kusvikira pa12 timboona kushamisa kwa Jeso.. 3 Zvino vamwe varume vakauya kwaari nomumhu akanga akaoma rutivi rwemuviri akatakurwa nevanhu vana 4 Asi vasingakwanisi kuuya naye paiva na Jesu chaipo nokuda kweboka revanhu, vakabvisa denga pamusoro pepaakanga ari uye vaboora pokupinda napo vakadzikisa kamubhedha kakanga kakarara munhu wacho akanga akaoma rutivi rwomuviri.5 zvino Jesu paakaona kutenda kwavo,akati kumunhu akaoma rutivi rwomuviri.Mwana,zvivi zvako zvakanganwirwa. 6 Zvinopakanga paine vamwe veva nyori ipapo, vakanga vagere vachifunga mumwoyo mavo kuti: 7 Munhu uyu ari kutaurirei sa izvozvo? Arikumhura.Ndiyani angakanganwira zvivi kunze komumwe chete,iye Mwari? 8 Asi Jesu, achangobva kuziva nepfungwa dzake kuti vakange vachifunga saizvozvo mumwoyo mavo, akati kwavari: Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu? 9 Ndezvipi zviri nyore, kuti munhu akaoma rutivi rwomuviri, Zvivi zvako zvakanganwirwa,kana kuti simuka utore kamubhedha kako ufambe? 10 Asi kuti muzive kuti mwanakomana womunhu ane simba roku kanganwira zvivi panyika,__akati kune akanga akaoma rutivi rwomuviri: Ndinoti kwauri, Simuka ,tora kamubhedha kako,uende kumba kwako. 12 Iye akasimuka,akabva angotora kamubhedha kake, akabuda pamberi pavo vose,zvokuti vose vakashamiswa, vakakudza Mwari,vachiti: Hatina kumboona zvakadai. Saka izvi ndizvo zvinoratidza kwauri iwe mudikani kuti pana Jesu hapana chinoramba chero zvakaoma sei pana Jeso zvichava zvakapfava ..Rumbidza musiki nokuti anokuda mudikani Amen&Amen byBTS
Posted on: Thu, 25 Sep 2014 10:35:07 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015