Bhaibheri rinoti vachenjeri vaifamba vachivhunza nezvekuzvarwa - TopicsExpress



          

Bhaibheri rinoti vachenjeri vaifamba vachivhunza nezvekuzvarwa kwaIshe, iko kunewaitotonga, zvinonzi vakatungamirirwa nenyeredzi ndokundovasvitsa nekumba kwaHerudhe, apa ndiye anga ariMambo, vachenjeri ndokusviko bvunzawo mambo kuti mazvinzwawo here kuti kwazvarwa mambo mutsva, zvirikuudzwa Mambo varikutonga kuti kwazvarwaMambo mutsva,Hama kana watendeuka wavakunamata regera kuhwanda hwanda, ngaizvizive mweya yetsvina kuti wava kunamata, nokuti hauna kurasika nyeredzi iripo pakukutungamirira, Mambo bp yakakwira, shungu nehasha zvikagocha mwene wazvo, nekuti ndezvaMwari izvi, vachazama kukuuraya asi zvichashaya basa, vagozama kukurwarisa asizvichashayasimba, vachazama kuti udzingwe basa asizvicharamba, vagozama kuti muchato upere, imba iparare, asizvichakona zvese zvavanoronga, Mwari vatenga nyaya yako,urimwana waMwari iwewe nezita raIshe wedu Jesu: Amen
Posted on: Sat, 16 Nov 2013 19:15:21 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015