NAME:- Precious Goredema 16 Nov 2014 23:11 Admin,my english - TopicsExpress



          

NAME:- Precious Goredema 16 Nov 2014 23:11 Admin,my english is not very good.Let me write in shona.Ini ndakaitirwa zvakanaka netestimony yezuro yehama yekuSouth Africa,ndakanzwa kubatikana nekuti iniwo ndakawona ruwoko rwaMwari waProphet Makandiwa gore rapfuura. Ndakakwira bhazi randisiri kuzodoma nezita,takasimuka zvakanaka mustation yavo iripedyo nepsark station,tafamba rwendo rwedu ndakabatwa nehope.Mukurara umu ndakaita sendinoona kana kurota munhu akange aine nguwo chena,munhu uyu aive nechiso chaipenya uye akazara nezurudo pakumutarisa. Akauya pedyo neni akanditi mwanangu misa bhazi uburuke nekuti mufundisi wako Prophet Makandiwa arikundikumbira kuti ndichengetedze hupenyu hwako ,ndakapindura zvandisisazive kuti ndakti chii. Ndakaita sendinotarisa parutivi rwemunhu uyu ndokuona Prophet Makandiwa vakapfugama vakatarisa kune murumwe muchete iye aitaura neni,vachiratidza kuti vane zvavaitaura naye vachipindurana panguva imwechete iyo yandaitaura naye,zvaiita sekunge munhu uyu aitaura nesu tese kamwechete achigona zvekare kutipindura tese kamwechete,chinova chinhu chisingagoneke nemunhu kuti utare nevenhu vaviri kamwechete nekuti tine muromo mumwechete nezwi rimwechete. Kutaudzana uku kwakaita sekwakazosara kwave kwavo vari vaviri ini ndanyarara.Papera kanguva ndakazoona munhu wenguwo chena yake aiita saMambo wedu Jesu akatendeuka ndokufamba achiita seanokwira kuenda kumakore.Prophet vakabva vasimuka ndokuuya kwandiri vakanditi dzokera urambe uchishandira Mwari sezvawange uchiita.Vari pakati pekutaura kudaro ndakavhura meso angu ndokuwona ndakakomberedzwa nemanurse eambulance vakandiisa oxygen pamuromo,ndakatanga kuchema ndichiti ko Prophet vaenda kupi ndikabva ndanzwa mumwe wavo achiti she is alive,ndakaadmitwa kuhospital irimuLouise kwe 3 hours chete ndikaburitswa nekuti ndaive ndangochekeka paface nedislocation paruwoko chete chete. Bhazi redu rakange rakwesherana negonyeti pakupesana,ini ndaive ndakarara ndakazembera window reside rakakwesherana racho,pakafa vanhu 6 paspot vamwe vakazofira kuhospital.Vakanyanya kukuvara nekufa ndeavo vaive vakagara kuwindow seni. Ndinoziva varipo vatoiziva accident iyi pakati pedu,kuzodoma zita rebhazi kungazotisungisa. Mwari waProphet Makandiwa anoshamisa vanhu vaShe,he is a great God indeed.Ini ndirimupenyu nhasi nekuda kwecovering yavo neminamato yavanotiitita.Musashore zvamusingazivi vanoshora,asi ndinokuregererai nekuti hamuna chamakaona.Mwari wababa varefu vaye vanochengeta. Mazvita Admin,postaiwo testimony yangu sorry ndanyora neshona ndiyo inoita kuti ndigone kunyatsotsanangura. ENGLISH TRANSLATION BY ADMIN(Iam not the best at this,please forgive any mistakes to those who know both languages) Admin,my english is not good let me write in Shona.I was blessed by the testimony given by the fellow brethren who was in South Africa,I personally experienced the hand of the God of Prophet Emmanuel Makandiwa last year on my way to Zimbabwe from Johannesburg. I boarded a bus that is stationed at a place very close to Park station.We departed for our journey and after having travelled a long distance i fell asleep.As i was sleeping i had a vision or should i say a dream where i saw a person who was wearing all white,this person had a shiny face and he was full of love just by looking at him. He came very close to me and said to me,my child stop the bus and get down,your Pastor Prophet Makandiwa is asking me to preserve your life i replied something that i dont remember anymore. I looked just beside this man and then i saw Prophet Makandiwa kneeling down facing this man and they seemed to be chatting as he was talking to me.It seemed like this man in white had the supernatural ability to talk to two people at the same time,something which is impossible because as humans we have one mouth and one voice. It looked like they continued chatting as i later kept quiet.After some time the person in white who looked like our Lord Jesus turned away and walked up towards the skies. Prophet Makadiwa then stood up and came to me and saidgo back and serve God just as you were doing.As he was in the middle of speaking i opened my eyes and saw myself surrounded by nurses,i started shouting asking where Prophet Makandiwa had gone to and then i heard one of the nurses saying she is alive. I was admitted in a hospital in Louise but i was discharged 3 hours later because i only had a scratch on the face and a dislocated arm. Our bus had side swiped against a haulage truck.I was sleeping leaning on the window on the affected side,6 people died on the spot and some later died at the hospital.The most injured and deceased were those who were seating on the window side that got swiped. I know among us there are those who know this accident,i fear mentioning the bus company to avoid being sued. The God of Prophet Makandiwa is amazing people of God,i am alive today because of the covering and the Prophets prayers.Dont comment negatively on what you dont understand,i personally forgive those who do so because they have not seen anything yet,the God of that tall man really protects. Thank you admin,please post my testimony,sorry for writing in shona,i am more comfortable explaining in it. COMMENT FROM ADMIN:- Great testimony indeed,please dont fear mentioning the names of whatever buses or things if you were involved in an accident or you have a similar testimony because i dont think anyone is sued for that.Infact my sister here is the one who could be suing the bus company. If you inbox me something that can get you and me in trouble i will reply you and we agree to remove the names before posting.
Posted on: Mon, 17 Nov 2014 07:40:34 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015