Ndati iva mutendi akatendeka pana Mwari. Usade kutendeka pava - TopicsExpress



          

Ndati iva mutendi akatendeka pana Mwari. Usade kutendeka pava zvemanyawi asi kuna Mwari usina kutendeka. Rega kuita se~magnate mutendi inobata chero any simbi yainogona kusimudza. Usaite se magnate mhai. Hauna chivi chausingagamuchire zvose zvivi ndezvako. Haaa iweka iwe dzoka panzvimbo mhani. Taneta nevatendi vanoti aaah ini changu chivi chiri pane chanhingi. Inzwaka unzwe mwana waMwari ; call a spade a spade but not to say a spade is a big teaspoon. Chivi chivi. Chitadzo chitadzo nomatter watadza zvakaita sei. Kutadza kutadza saka rega zvako zvekut aah ndongoita kwanhasi chete asi iwe uchitotadza ndati dzoka panzvimbo mwana waMwari. Nhasi zvikanzi Jehovha vakuuya kuzoparadza nyika do you think that He can spare youuu???? Why would He spare you iwe kuita kwako kusiri panzira dzake tsvene dzakarurama. Vamwe venyu munotozvirova dundundu pakuita zvakaipa why??? Dzoka panzvimbo mwana waMwari. Mwari vari kuona nyika yaora vanhu vachifamba zvisingafadze Mwari. Dzoka panzvimbo mwana waMwari. Mabasa ako ngaave akanaka kuna Mwari kwete kuvanhu. Siya tsika yekuti kana wakuda kuita zvako zvisakarurama unoti hapana ari kundiona saka rega ndingoita hangu kutadza kwacho. Iweka iwe you can hide us but not GOD. Zvauri kuita nhasi uchanomira nazvo kudenga. Dzoka panzvimbo mutendi uve wakatendeka kuna Mwari. Siya zvakaipa zvako utsavage hutsvene hwaMwari.
Posted on: Sat, 27 Sep 2014 06:00:00 +0000

Recently Viewed Topics




© 2015