Pane zvinhu zvawakakonewa kuita kubva makore ekumashure ringava - TopicsExpress



          

Pane zvinhu zvawakakonewa kuita kubva makore ekumashure ringava riri bhizinezi ukati handina sitati (CAPITAL)pawakaiwana wakabhuroka, kuCollege wakatadza kuenda wakashaya mari ukadonha 2015 usarambe wakagara uchichema MUKA. Tora bhuku,dhayari kana kuseri kwe Calender unyore zvaunoda kuita mu 2015. Passport unayo ishandise, iwe usina tanga kuita chimwe chinhu enda unonyoresa , nyope dzinonamata kwete. Kana unemusika enda pachimwe chinhanho chepamusoro. Usazvitarisire pasi iwewe. Wakasekwa ,ukashorwa mumaraini zvakakwana ,gore riri kuuya iri unofanira kutora zvirongwa zvese uzviise pana Mwari. Wakatadza kubudirira nekuda kwekuti waiita zvinhu zvako usina Mwari mukati, Rega ndikuudze mwana waamai kunze uku kune vabati vanobata njere,kubudirira kwako, muchato,mari,vana,mabasa nemba chaiyo saka iwe semunhu avakuziva tanga waudza Jesu nyaya dzako ugoona zvaanoita. Tinodzokererazve usapinde muna 2015 uine hunhu hwako hwaishoresa, zvirambe nemuromo wako. Mwari vanotaura kuna Jeremiya 29V 11 kuti vane hurongwa hwekuti tibudirire kwete kuti tiparare. Vanotaurazve kuti hakuna chombo chinogadzirirwa ini chichabudirira. Isaya 54v17 1.Ramba zviga zverufu mumhuri yenyu mazuva mashoma asara aya, Mapisarema 118v17 handisi kuzofa kusvika zvikuru zvenyu zvawonekwa pandiri 2. Ramba mweya wetsaona pama Holiday apa nezita raJesu. Ropa raJesu mumigwagwa, ropa raJesu kumakombi, ropa raJesu Kumota , ropa raJesu patinoenda kuzororo(ngauve munamato wako) 3. Usangonodye idye kudzimba dzese dzese, kwese kwese pazororo iri, chokudya chose tanga wanamata uchitaura kuti hakuna chichakukuvadza nezita ra Jesu. Teerera kutaura kwaMwari nguva dzose vamwe mucharota, vamwe muchaudzwa nemuromo nevanhu teererawo, tsiurikawo,nyumwawo. Hakuna chinhu chinonzi lucky muchikiristu kune nyasha dzinoburitsirwa vana vake 4. Paunoenda kuzororo takura bhaibheri rako shoko raMwari usaende wakashama unokuvara. Takurawo Minamato yako yejambanja uchipota uchimukawo uchinamata. Kana paine gomo riripedyo pota uchikwira uchinamatira hurongwa hwako hwa 2015.Hukumikidze kuna Mwari. 5. Usanofarisa neshamwari dzinenge dzashanya kubva kunze kwenyika wotonga kuita zvawakanga waregera unochipotsa 2015 ikawira musango. Edza kunzvenga hwahwa,fodya,kupomba,makuhwa,kuba,kunyepa,utsinye,kusadzora mari dzevanhu vachichema newe. Unozvipotsesa ropafadzo nemaitiro iwayo ekuti munhu wese anochema newe iwewe. Namatira maziso emweya , vamwe vanhu vaparadza hupenyu hwedu vanhu varipedyo nesu vatisingafungire kana nepadiki pose.Pakudiwa mweya wekunzvera zvizhinji kuti 2015 ikufambire zvakanaka. Hauna kutsanyira mahara. Kutsanya kunorwadza asi kune pundutso kunofukunura zvakawanzika, kunoita kuti zvako zviite. Ukanzwa uchizoda kutsanyazve kumberi uko, zvinokurudzirwa. Ibvawo pamukaka woenda pamabhonzo edzawo kana kuita 3 days dze Absolute pasina mvura kana chinhu(Esther Faster) kana zvine nharo zwerudzi rwupi zvinoenda chete. Usavake imba pachiteshi enda kwauri kuenda usati wasvika.Abrahamu haana kuramba ari paHarani akabvapo, Mefibhosheti haana kuramba ari ku Lodhibha wakabvako, vana veISIRAYERI Havana kuramba vari pa Mara(pakange pane mvura yaivava vakabvapo) Havana kuramba vari pa ERIMU vakabvapo. Iwe usarambe wakagara. Do something, ita chimwe chinhu usatevedzane nezuva. Faith plus Action Kutenda nekuita. Hebrews 11. Kutenda kusina mabasa kwakafa. Kabhizinezi kako aka kasimudze kuenda pane chimwe chinhano mu 2015. Usangogara uchichema uchizvinzwira hurombo . MUKA UPENYU ,ARISE AND SHINE ,DZUKA WALA
Posted on: Sun, 13 Jul 2014 11:51:45 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015