Title: Wasunungurwa. (you have been freed) Scripture reading: - TopicsExpress



          

Title: Wasunungurwa. (you have been freed) Scripture reading: Mark 11:1-8 (Part 2) ......Part 1 was posted na0600 and part 3 will be posted na18:00) Jesu haaziriye akaenda kunosunungura dhongi but akatuma maDisciples 2 kuti vaende kunosunungura dhongi. thats how GOD operates, he sends ordinary men to carry out basa ravo. i know kuti kune vamwe vasingade kutendeuka kunyangwe paparidzwa shoko rakaita sei, anotoda kuti Jesu auye ega kuzomuparidzira, but rega ndikuudze kuti Jesu uyu ane tsika yekuwanzo tumawo vanhu wo zvavo kuti vaparidze vhangeri rinokusungura. But manje kana usingade kuterera vacho vanenge vatumwa hameno kuti unosunungurwa sei? Jesu anogara audza maDisciples ake zvavachasangana nazvo hanzi Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? seiko murikusungura dhongi, muudzei kuti Ishe unorida. rega ndikuudze chinhu ichi, satan haangosiye vanhu vachisunungurwa vachienda zvakadaro, he always tries to resist, anogona kushandisa vanhu kuti vadzivise kusunungurwa kwemunhu or the he can use his demons kuResister kusunungurwa nemumwe munhu. vanhu havana problem kuona dhongi rakasungirirwa but kana mukada kurisunungura they will ask kuti sei muchiita zvamuri kuita. “why are doing this kusunungura dhongi?” …mubvunzo wakauya nekuda kwekuti dhongi ravakuda kusunungurwa. resistance inonyaya kuwanda kana nguva yekusunungurwa yasvika, pamba paLot pakaita noise manheru pakauya vatumwa kuzomusunungura from this wicked city, all along hatina kubvira taudzwa kuti akambonetswa nevanhu veSoddom but the night pauya vatumwa vairi kuzomusunungura ndipo panotanga noise yese. (Genesis 19:4-11) maDiscples 2 aya vakaenda kwavakanzi vaende & for sure dhongi vakawana riripo, vakarisunungura and people who were around vakabvunza vakati Munoiteiko muchisunungura dhongwana? exactly zvaporofitwa zviya naJesu kuti muchabvunza ndizvo zvaitika. chaporofita chaJesu chinozadziswa chete no matter what. kune chimwe chiporofita chemanyepo chandingati prophe-trying (kuyedzesera kuporofita) and prophe-lying (kutaura chiporofita chenhema), and profiteering (kuda kuwana pfuma or mbiri kubudikidza nekuporofita) zvese izvi zvinowira pasi asi chiporofita chaJesu chinozadziswa chete. Zvikuru sei munguva yatiri kurarama pane zvizhinji zvakataurwa naJesu kuti zvichaitika and for sure zvimwe zvacho zvakatoitika and some of the things are yet to be fulfilled, nekudaro dont take the word of GOD lightly. shoko raMwari rasiyana neNewspaper rekuti nhasi vanonyora nyaya but mangwana vanofuma vachiti as a matter of fact... vachiyedza kugadzirisa nyaya yavakanyora yekunyepa. vanhu vakabvunza vakati ko ‘Why are you doing this?’ , maDisciples havana kutaura zvakawanda wanda but they simply answered Ishe Vanorida. apa hapadi kuti vadzidzi vabuditse zvitupa zvavo or kutaura nezvePersonal life yavo but parikuda kutaurwa zita raJesu. vaudze vanhu kuti Ishe vanorida. zita rako unogona uchinzi Peter, but kana wasvika pakusunungura dhongi, rega kutiudza kuti hee ndinonzi Peter ndiri mudzidzi waJesu etc etc but chingouudza vanhu kuti Jesu arikuda dhongi iri full stop. seiko mutendi wanhasi uchiti ukabvunzwa mubvunzo or kana uchiparidza unozoda kuwanza kutaura zvakawanda wanda, wadii kungotaura zvaJesu. zvePersonal life yako hazvigone kusunungura dhongi, but only the name of Jesus. Vakapindura sezvakarairwa naJesu; and they were allowed to go with the donkey,. as simple as taht donkey rasunungurwa. iyo nyaya yekungoti Jesu arikuda dhongi was enough kuti dhongi risunungurwe. nhasi chaita kuti vamwe vatadze kusunungurwa kubva pavakasungurirwa nasatan inyaya yekuti vaparidzi vacho vamwe tinonzvenga nyaya yaJesu, tinoda kusunungura vanhu nekuchenjera kwedu. unoudza munhu nezve kudhura kwemota yako, do you think kuti ivhangeri ringasunungure munhu kubva pachivi. unouudza munhu nezve kukura kwestand yako, do you think zvingasunungure munhu kubva pamademon akamusungwa. udza munhu zvaJesu munhu uyu kuti apone. Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.” (Mabasa avapositori 4:12) Neither is there salvation in any other: for there is none other name under heaven given among men, whereby we must be saved. (Acts 4:12)
Posted on: Fri, 18 Jul 2014 10:00:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015