Titore mabhaibheri edu tiverenge kubva kuna Zvirevo 23 vs - TopicsExpress



          

Titore mabhaibheri edu tiverenge kubva kuna Zvirevo 23 vs 6-9 Usadya zvokudya zvomunhu unoruchiva kana kupanga zvinozipa zvake . Nokuti sezvaanofunga mumoyo make ndozvaakaita . Unoti kwauri chidya chimwa asi mumwoyo make haune hanya newe . Musuva wawadya uchaurutsa zve .Ukarashikirwa nemashoko ako akanaka Usataura paunonzwika nebenzi nokuti richazvidza vuchenjeri bwamashoko ako. Hama munashe paverse 6 zvahi usadya zvekudya zvemunhu ane ruchiva nekuti kana nemusuva wawadya uchaurutsa ukarashikirwa nezvakawanda. Mukurarama zvirinani kuswera nezhara pane kudya zvemunhu ane ruchiva Rarama nezvishoma pane kuda kurarama nezvemunhu akazara kuzvututumadza zviri nane kuti ufambe rwendo nebhazi pane kufambidzana nehama ine mota inovhaira rwendo rwako runoita rurefu hauna kana chekutaura. Gara hupenyu hwekutamburira zvako hama pane kuda kunogara pamba pehama isingakupi rukudzo . Idya zvako nemurivo hama pane kuseva nenyama uchisvorwa zvahii dai ndisini aifa nezhara. Pfeka zvako hembe dzako dzawazvitengera pane kupfeka dzinodhua uchicherwa kugotsi. Mukurarama usataura paunonzwika nebenzi nekuti richakupindura zvinokupedza simba . Dai Jehovha matibatsira musanagane nesu mangwanani ano zvikuru sei munyore mazita edu kudenga #save#
Posted on: Tue, 29 Jul 2014 05:32:49 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015