Upenyu hauiti zvaunoda bodo. Iwe ndiwe unoita zvinoda upenyu. Upenyu kana huchiitiwa navamwe tinofunga kuti vari kukonewa zvekuti tikapinda isu panyanga, toita mashura. Kana tava mazviri tozhamba kuti upenyu hwakaoma. Ngatibvei mukushorana. Kuchengeta vanhu hakusi nyore. Vamwe vedu tichakonewa kuchengeta nevana vatakabara tichifadza vatorwa vasina betsero panguva yekuchembera kwedu. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa.
Posted on: Mon, 18 Nov 2013 05:56:35 +0000
Trending Topics
Recently Viewed Topics
© 2015