BHAIBHERI RINOTI CHII NEKURUMBIDZA • Vanhu vandakazviumbira, - TopicsExpress



          

BHAIBHERI RINOTI CHII NEKURUMBIDZA • Vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. Isaya 43: 21. • Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. 1 Peter 2: 9. • Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya. Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.Vahebheru 13: 14 – 15. • Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza. Mapisarema 147: 1. • Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. 2 Samueri 22: 4. • Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. Mapisarema 34: 1 – 3. • Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira. Mapisarema 107: 8. • Musadhakwe newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe nomweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Vaefeso 5: 18 – 20. • Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza. Mapisarema 47: 1 – 2. 6 – 7. • Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. Mapisarema. 48: 1. • Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari. Mapisarema 50: 23. • Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu. Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo. Mapisarema 63: 3 – 5. • Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu. Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu; ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu. Ndicharamba ndichikurumbidzai. Ndava sechishamiso kuvazhinji, asi imi muri utiziro hwangu hwakasimba. Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu, ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose. Mapisarema 71: 5 – 8. • Zvakanak kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru Seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei! Mapisarema 92: 1 – 2, 4 – 5. • Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose. Nokuti vamwe vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga. Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene. Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, iapai rukudzo nesimba kuna Jehovha. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopind pavanze dzake. Mapisarema 96: 4 – 8. • Panenge pakati pousiku, Pauro naSairasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Mabasa 16: 25.
Posted on: Sat, 26 Jul 2014 03:00:01 +0000

Trending Topics



Just got back from vacation.....Had a wonderful time. Carson is a
So, Im supposed to list my 10 most influential books; please see
A real Master wants a disciple to become a Master in his own
Todays stream comes from Torontos The Victim Party (ex-Marilyns
***********AUTOPOSTER TOOL!********** FACEBOOK AUTOPOSTER TOOL IS
Technocrazed 1) Nokia: Founder - Fredrik Indestam and

© 2015