CHAKAIPA CHINOBEREKWA KUMUSANA SEMWANA. Zvirevo 18 vrs - TopicsExpress



          

CHAKAIPA CHINOBEREKWA KUMUSANA SEMWANA. Zvirevo 18 vrs 21 Zvamunoona vana va Mwari satani ichi chine mazano. Mano enyoka ukasamangwarira anokuchovhera kunoda satani iwe usingazivi. Munoziva here kuti vese vanorara kusvika na 9 am vanenge vachiti vari kumboda kudziirwa asi satani anenge achiziva kuti ndivo vachazova varombo nevana vavo nezvizukuru zvavo. Hapana anoti kusvika muna December ndinoda kunge ndava ne Aids asi vamwe vanozoiwana nenzira dzakadai anoti, Heyyyyy, kababie kakabatana aka, Gwinyai huya uoneee, saka iro ndiro gumbo nhai.? Chisatani chinokuratidza zvinhu zvinonyengera asi zvichiku destroyer nechekuseri. Pava kuda vanoziva kuti chakaipa chinoberekwa kumusana somwana, and chinovaraidza asi takapihwa simba rerurimi rekuramba zvinofungwa zvisina maturo. Nagative thought ikati, ndinoda kurara nemusikana wangu: rurimi ngarupedzise kuti; nemusi wemuchato. Negative thought ikati; Hauroorwi; muromo ngaupedzise uti, nemurume asinganamati. Positive thought ikati: Ndava kuda kusiya chivi chiya chiya, rurimi ngarupedzise ruti: Nhasi chaiye.! *shambas*
Posted on: Sun, 03 Aug 2014 04:48:38 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015