David aiva aine simba rekuuraya Goliath but tarisa post - TopicsExpress



          

David aiva aine simba rekuuraya Goliath but tarisa post yaanopihwa: armour bearer. Munhu anotakura zvombo zvevamwe.(1 Samuel 16:21). Munhu ane ability yekuuraya Goliath ndiwe wamunopa position yekutakura armour dzevamwe vanhu. maSystems evanhu haana kumira mushe, unopihwa imwe position yemhanga mhanga as compared to your ability. Munhu ane anointing yekuparidza, ndiye anobva aitwa usher kuti atakure Bible raMufundisi. Munhu ane zodzo yeku Leader Choir, ndiye anobva audzwa kuti voice rako hariite, enda unobatsira madzimai kuCleaning uko. Munhu ane anointing yekutendeutsa vanhu, ndiye anoudzwa neChurch kuti as long as usina kuenda kuBible college, paPulpit usamire ipapo. but chandinoziva ndechekuti kana Mwari vachinge vakaronga kuti Goliath anourayiwa naDavid, shuwa ndizvo zvichaitika. Be humble like David, bvuma post yaunopihwa iyoyo but keep on praying for GOD’s will to happen, ramba uchinamatiora kuti kuda kwaMwari kuitike and uchasvika chete paPosition yako chaiyo chaiyo
Posted on: Tue, 03 Sep 2013 19:53:43 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015