FAKE SUBSTITUTE - TopicsExpress



          

FAKE SUBSTITUTE Right now hakuna tsotsi rinogadzira zim dollar reFake, he knows kuti zim dollar harisi kushanda so its useless kugadzira a fake zim dollar nekuti hakuna kwarinotenga....but kana zviri zveUSD, maFake azere nekuti its a currency inoshanda. Ndiyo tsika yasatan, haagadzire fake yechinhu chisingashande but he makes something cheFake to substitute chinhu chinoshanda.Kana akazviziva kuti Bible rinobatsira vanhu, he tries to introduce maCounterfeit versions anenge akaTwistwa meaning or even kuIntroducer kamunamatiro kekuti vanhu vanoramba Bible, and in this age yeTechnology pane substitution yaari kushandisa pamaSocial networks.The devil knows kuti prayer inoshanda, so iye anoedza kugadzira a counterfeit way yekunamata nayo but isina maResults. Unongotumirwa message yakanzi forward to 10 people and a miracle will happen to you,,,,, message yacho haidi kuti unamate, kwete, inoda kukupa pfungwa dzekuti by just forwading message iyoyo watoita munamato. Waisirwa substitute yeFake and hakuna miracle inouya kwauri. Mumwe anongoposta kaNyaya kake kanoita kunge kari Biblical paFacebook, kwekupedzisira kwobva kwanzi comment amen for such and such things to happen....waisirwa substitute yeFake, satan haasi kuda kuti unamate, anongoda kuti uType amen chete achikunyepera kuti ufunge kuti wanamata. Vamwewo they create maPage ane mazita emaPastor ari famous but iye asiriye Pastor wacho, unongopostera message yakanzi receive your car, your house, your money, etc type amen to claim these things.....waisirwa substitute yeFake,,,hapana 1 day yaunoudzwa kunzi namata but unongonzi ndakunamatira just type amen,,,,hakuna 1 day raunodzwa zvekutendeuka or even the basic teachings dzeBible but inenge ingori type amen, press like... Chenjera kuisirwa substitute yeFake, rega kuita nungo dzekunamata to the extent yekuti unonogoda kuForwarder a chain message chete or to just type amen but usingade kutaura naMwari...the devil is at work..arikuisa maSub eFake.. Rangarira mukadzi uya wemazuva aSolomon akachinjirwa mwana akapihwa mwana akafa akatorerwa mupenyu when she was sleeping (1 Kings 3:16-28), akaisirwa substitute yeFake nenhau yekukotsira,,,,,,rega kukotsira hama yangu, unoisirwa substitute yeFake mukunamata uku.
Posted on: Thu, 26 Jun 2014 22:03:30 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015