Gogo wangu vaitaura kuti, Kuwanzisa kunyorova - TopicsExpress



          

Gogo wangu vaitaura kuti, Kuwanzisa kunyorova paBonde Vakawanda vari kubvunza nezvenyaya yokuwanzisa kunyorova kana waita zemo kana kuti muchiita Bonde nomurume. Iyi inyaya yedu tega vakadzi asi ukaterera varume vachapopota nezvazvo unonzwisisa kuti ivo vanoshushikana nenyaya iyi. PaBONDE panoitika nyaya dzakawanda dzinoshusha vanhu zvokuti dzimwe dzacho hadzina ane hanya nadzo asi dzinokwanisa kukushungurudza, zvikuru kana uchifunga kuti ndiwe wega uri kuzviita. Pozotiwo dzimwe nyaya dzinoenderana nokudzvanyirirwa kwevanhukadzi nokuda kweCULTURE yedu nedzimwe dzinoitiswa nouGINO hwevaiti panyaya dzemashandire emiviri yevanhu (BIOLOGY) zvokuti vakawanda vanotadza kunzwisisa kuti zvimwe zviitwa zvavo zvinokuvadza muviri. Nyaya yokunyorova murume asati apinza CHOMBO inyaya inofanira kuti uinzwisise zvakanaka uye kukurudzira murume wako kuti aziva kuti unofanira kunyorova asati apinza kuti zvirege kukurwadza kana kukutsemura tumitsetse (Very Thin Skin Cracks Inside) mukati meNHENGO YAKO MUKADZI CHITUBU zvinova zvinokwanisa kukubatisa zvirwere. Chinozoitika ndechokuti vamwe vedu havanyorovi zvakakwana kusvika pokuti vanotoda kuwedzera kunyorova kwacho nokuisa mate kana kuti imwe inonzi KY jelly inotengwa muCHIMIST. Ndakanyora kare nenyaya yevasinganyorovi saka kana uchida kuiverenga enda hako uverenge pakanzi Mukadzi asinganyorovi Kozoitazve vamwe vanoti akaita zemo obva atanga kunyorova zvokusvika pakueredza chaiko zvokuti pamunoisana mese munokwanisa kusanyanyonakirwa nazvo. Munosvika pakutoti mopota muchimira mukadzi wombopukuta motangazve, onyorovazve, momira opukuta, muchingodaro kusvika mapedza. Kunyorovesa uku ndiko kwatiri kuda kumboongorora panyaya ino kuti tione kuti pane chingabatsira here vanozviita nevarume vavo kuti vawane mazano. Vakadzi varikuda kunzwa zvizhinji ndiri pano, Kunyorova haisi mvura asi iOIL yokuti mukati meNHENGO mutsvedze apo muchikoirana chombo chichipinda nokubuda chichikwizira madziro eCHITUBU, mukadziwo achipota achishinya chombo kuti chiwedzere kukwiza kuti munakirwe nazvo. Pakashaikwa OIL iyi mese munokwanisa kusvuuka mokuvadza ganda romukati meNHENGO yeMUKADZI, mangwana mutadza kuisana makamirira kuti mukadzi apore. Saka DESIGN yacho yeNHENGO inoti ukangotanga TRIGGER yezemo mupfungwa, sokuti pauviri hwenyu ukangoona chinhu chinokufungisa kuiswa, usati watombofunga kuti unoda kuiswa, kuzasi kwenge kototanga kunyorova. SAKA MUKANZWA VARUME VANOTI MUKADZI ANO BUDA MVURA YAKAVANDA HAVAZIVI KUTI iZEMO RIRI paMUKADZI WACHO RAKA NYANYISA. Ndatenda Hangu tobatana muchikamu chino uya.
Posted on: Sun, 10 Nov 2013 00:45:01 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015