Haman pamatanda ake. Haman akagadzira matanda ekuurayisa Mordecai - TopicsExpress



          

Haman pamatanda ake. Haman akagadzira matanda ekuurayisa Mordecai (Esther 5:14) but ndinofara kuti even though matanda aya ainge agadzirirwa kuuraya Mordecai, hazvina kuzoshanda saizvozvo, matanda aya akazoshanda pakuuraya iye Haman wacho (Esther 7:10). Izvi zvinozadzisa Shoko riripana Proverbs 26:27 If a man digs a pit, he will fall into it; if a man rolls a stone, it will roll back on him. Achera gomba achawira mariri, akungurutsa dombo, dombo iroro richamudzokera. Pachishona zvinonbva zvanzi nguruve inozvikanga nemafuta ayo. Izvi ngazvikupe kutenda Jehovah, nekuti whatever chakaipa chinorongwa nevana vevanhu, rega kutya nekuti zvichakuvadza ivo. Ingave juju, nyaya dzekunyepa, zvombo, kana mimwe mishonga, it will fight them back. Kana uri iwe uri kuteya vamwe kuti vawirwe nezvakaipa, hokoyo, Haman pamatanda ake, chauri kuteya chichakuputikira
Posted on: Fri, 09 Aug 2013 05:00:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015