Iro gore rino ra2013 Mwari vari kuzoita minana yavo mukati melife - TopicsExpress



          

Iro gore rino ra2013 Mwari vari kuzoita minana yavo mukati melife yako. Ndati gore iro rino uri kuzoona kubata kwaMwari muhupenyu hwako. Zvako gore rino zviri kuzoita chete. Gore rino ra2013 ndogore rakowo hama yangu makore akapfuura kana gore apera waingoona kuna kunzwa vamwe vachingotaura neminana yaMwari gore rino ndezvakowo nezita neropa raJesu weNazareta. Zvakaramba gore rakapera gore rino zviri kuzoita chete nezita raJesu mambo werugare. Haaa iwe mhani iwe ndati gore rino uri kuzotiroorerwa iwe, gore rino uri kuzotichatira iwe, gore rino uri kuzoriwana basa chete, gore rino uri kuzofamba neyako mota, gore rino uri kuzokwidziridzwa chete pabasa rako, iro gore rino salary yako iri kuzoitwa-double-double nezita neropa raJesu, satan nemhuri yake nema-agents ake nevavengi vako vakatarisa. Mwari havasi kuzokusiya uri zvawakanga uri makore apfuura, Mwari hhavasi kuzokusiya uri zvawakanga uri gore ra2012 Mwari vari kuzokubvisa apo vachikuisa ukoo!! Vadzivisi varipo. Haaa iwe mhani iwe ndati itawo nharo dzinenge dzaJacob paanonzi makomborero ndeaEsau iye akati, hakuna iyoyo ndeanguwo. Ndiyezve wekuita westling/mutsimba nemutumwa waMwari akati, handikusiyeiba kusvika mandiropafadza Haaa iwe, iwe, iwe mhani iwe hindava so hee, haikona kuchema kana kufira mukati, ramba kurwara iwe, ramba hurombe, ramba kusvorwa, ramba kudzikisirwa pasi nevamwe vanhu, iwe Mwari vanokuda iwewe Mwari havana kana kumbokukanganwa zvako zviri kuzoita chete mwaka iwo uno zvisinei nekuti pane vakagara pasi vachiteketerera zita rako hurombe, haaa iwe you are more than a conquerer. Pupura kunaka kwaMwari nenyasha dzavo. Zvako naJesu zviri kuzoita chete. Kana uchitenda kuti Mwari ndeve minana, kana uchitenda kuti Mwari vanoshandura kutukwa vachiita maropafadzo, kana uchitenda kuti Mwari vanosimudza marombe kubva muguruva, Hit like and write amen to God.
Posted on: Mon, 28 Oct 2013 19:38:54 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015