KUROORWA NE BENZI 1 Samuel 25 vrs 25 Ari sei mukomana wako, - TopicsExpress



          

KUROORWA NE BENZI 1 Samuel 25 vrs 25 Ari sei mukomana wako, Musikana wako, Mukadzi wako kana Murume wako. Seku Planner kwamunoita kuvaka imba ndizvo zvamunofanira kuita marriage kwete kungopinda. Hamudaro makavakira imba yenyu pajecha zvekuti mhepo ikauya inongotora here imi. Imba inovakwa ne good foundation yechi Kirisitu. Chero mhepo dzerudzi dzikada kusimuka sei hadziputsi. Mukaona muchinetsana, kurovana, kuitirana mazi moods nekuda kwezvinhu zvisina basa zivai kuti makavakira pa jecha. Kuti Marriage ive kwayo pa Plan penyu ngapave nema rooms akawanda zvekuti mhepo inonzi hama kana yada kusimuka mugone kui container morega kuparadzaniswa nehama nematauriro nema comments adzo nekuti room iyoyo makatoigadzira mukaiziva kare. Room yeshamwari veduwee, accomodate all these pple in yo marriage asi vane room yavo, ku bedroom ndekwenyu muri 2 vanotaurei nezvako. Room yema ex lovers veduweee, ndiko saka achinzi ex, uno flitter na ex pa Fb nepa Whatsapp kuti zvidii.? Haunyari, Dhimoni rechihure.! Regai kuda kuzoisa upstair imi foundation yenyu isiri ye upstair, foundation inoremerwa imba ikawa. Regai kuda kupenda kunze asi mukati makashata. Sezviri mukati ngatizvionewo kunze. Kana wapihwa mari nemurume, itawo thanx, kwete kungotora uchiti murume wako. Nemiwo baba kana mapedza kudya regai kungononona mazino nekudzvova chete musingati thanx babie ende unokanga. Murume akanaka anotendawo mukadzi wake achimu appritiator. Iva blessing kumurume wako, kumukadzi wako, kumukomana wako kana kumusikana wako. Kwete kungotsvaga zvakanganiswa cheeeete. Ukagona kufadza mumwe wako, chero Mwari unovafadza. Abigail aiva akaroorwawo nebenzi rake rainzi Nabal. Chokwadi dai Mwari vatibatsira vaita kuti usaroore or usaroorwe nebenzi. Uye vaponese vamwe vana Nabal vanoshusha vakadzi nevanonyima mari kunyange mukadzi wake chaiye. Amen.
Posted on: Wed, 04 Dec 2013 01:09:05 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015