Kusunga/Kusungwa Nyaya yomukadzi/murume anohi akasungwa inyaya - TopicsExpress



          

Kusunga/Kusungwa Nyaya yomukadzi/murume anohi akasungwa inyaya inoda kuongorogwa zvakanaka kuti vanhu vahwisisane nokuti kune vanhu vanoudza vamwe nhema pazviri. Vanotaura vanoti ivo: Kune varume vanosunga vakadzi vavo nomushonga wekuti kana umwe murume akada kuvata naye, chombo chake hachipindi mumukadzi chero zvodii. Koitazve vakadzi vanoti akasunga murume wake, murume akada kuhura chombo hachimiri. Tichitarisa panyaya iyi tinoona kuti zvokutadza kumira chombo zvinoitika chose kumunhu asingasihuri kana ada kuhura asi achida mukadzi wake. Imwe nyaya inonetsa pakusamira kwechombo ndeyokuti kana murume akaona kuti chombo hachisi kumira asina kumbozviona zvichiitika, anobva atotyiswa nazvo, obva atadza kumira zvachoseZvinonzi akazoonanazve nomukadzi iyeye anonetseka kumira chombo. Mukadziwo akazama kuvata nomurume wokuhura naye iye asina kumbohura upenyu hwake hwese zvinoitika kuti murume anotadza kupinda zvakanaka. Pamwe vanopedzisira vatadza kuisana zvachose. Pamwe haanyorovi iri nyaya yokutya kuhura. Kana nyaya dzakadai dzozotaugwa kubhawa kwahi akazama kuvata nomukadzi akasungwa ndokutadza kupinza. Ipapo muridzi wenyya anenge achitya kusekwa kuti akatadza kupinza chombo saka oda kupa mhosva kumukadzi kuti mukadzi ndiye anga akasungwa. Hwisisai kuti dai zvaikwanisika kuti unosunga murume/mukadzi wako kuti asambokwanisa kuvata noumwe munhu dai vanotengesa mishonga yacho vari vafumi zvakangofanana navaya vanotengesa madhirezi emuchato ne sutu dzemuchato nokuti pamuchato umwe noumwe paitodiwa mushonga uyu kuti upihwe vanhu vaviri. Unochaja mari chero yawada. Chimwezve ndechokuti zvigwere zvechihure dai kusina munyika yedu. Waingoti ukafunga kusada kuata chigwere, womhanya wonotenga mushonga wekusunga murume/mukadzi wako. Munyika medu dai mune vanhu vosvika mamiriyoni 20 kupfuura nokuti dai pasina akafa nezvigwere zvechihure. Masimoro housi dai kusina zvachose. Varume dai vachitsvaka kugutira mudzimba dzavo. Mari inobhadhagwa zvimahure izvi dai ichiendesa vana kuchikoro nyika yese ine vanhu vakadzidza. Vana vanozvagwa murume atiza dai kusina nokuti murume wacho aisazokwanisa kuvata noumwe mukadzi asiri wake. Makambani emunyika yedu anopedza mari achitirena vanhu vanoti atirenwa oenda onofa nechigwere kambani iya yotangazve kutirena umwe, dai kusina. Mari yese yokutirena iyi yaizoshandiswa pakuwedzera basa kuti vakawanda vawane mabasa. Kana ukatarisa nyaya yokusunga murume/mukadzi iyi unoona kuti zvinoitika kana vanhu vasungana pamuchato wavo zvinobatsira nyika yese uye mazera ese evanhu. ~~~BaRudo~~~
Posted on: Wed, 26 Jun 2013 05:27:32 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015