Mharidzo Title: Naaman Series (Conclusion) Sub-Title: One Way - TopicsExpress



          

Mharidzo Title: Naaman Series (Conclusion) Sub-Title: One Way (part 2 of 2) Scripture reading: Luke 4:27 & 2 kings 5:8-27 Bible rabudista pachena kuti there is only One way yekuenda kuna Baba, the way is Jesus Christ, but satan anoda kuti tifunge kuti there is also another way or many other ways. Proverbs 14:12 yoti iyoThere is a way which seems right unto a man, but the end thereof are the ways of death. Kune nzira inoita kunge yakanaka kune munhu but magumo acho ari erufu, unogona kuona as if pane zvimwe zvingakwanise kukuponesa but chokwadi ndechekuti it will lead you away from GOD and to hell. Naaman auya aine zvaanga achifunga kuti ndizvo zvaachabatsirwa nazvo, auya aine formula yake kare yekuporeswa. tine vanhu vanouya kuna Mwari vaine maWrong ideas ekuti yah, Mwari vachandibatsira in such and such a way, vachandipa mari, vachauraya muvengi wangu, vachandipa promotion kubasa, vachandipa stand….wrong preconceived opinions. Wafanana nemunhu anoenda kuParty aine salt nemhiripiri muhomwe, already ane type yeFood yaari kutarisira kuti ichange iriko, ko ukaona kuine maFruits asingade salt or kuine maDrink chete. Chenjera kuva disappointed zvauri kufunga kana zvikarega kuitika. Naaman was an angry man because what he thought would happen did not happen. Rega kumhanyira Mwari pamberi, unotsamwa zvauri kuda kana zvaramba kuitika. In every request you make to GOD, usakanganwe kukumbira kuda kwavo Mwari kuitike, nekuti sometimes what we want is different from what GOD wants to give us. Naaman ane zvake zvaari kuda iye kuti zviitwe, but Elisha munhu waMwari arikutaura something different. Zvaunofunga kuti zvinogona kukubatsira pakunamata kwako might actually be different from what GOD wants to give you.. Naaman haana kungotsamwa chete but Bible rinoti he was wroth, and went away,,,akabva atanga kuenda achidzokera kwaabva. Kune vamwe vakatsamwa vachibva varamba Mwari, nechikonzero chekuti zvavaida kuti zviitwe naMwari hazvina kuitwa in the way they wanted. Just like Naaman, they wanted GOD’s help on their own terms & conditions and not on GOD’s terms and conditions. Ndiwe urikuda kubatsirwa naMwari and at the same time wopa Mwari wacho maConditions kuti ndibatsirei muchidai nekudai. Mumwe akauya kuna Mwari aine maCondition hanzi kana vakasandipa mota within the 1st 2 years dzekunamata then ndirikusiyana nazvo, kana ndikasaroorwa by the end of 2014 ndirikusiya zvekunamata, kuisa maTerms and conditions kuna Mwari. Since when do you give GOD orders?. Mwari muranda wako here waunotsamwira kana vakasakuitira zvaunoda. Lets learn to accept whatever chatinenge tapihwa or zvatisina kupihwa naMwari. hanzi naNaaman ndafunga kuti Elisha achauya kwandiri agomira achidana kuzita raJehovha Mwari wake, agoninira ruoko rwake panzvimbo yacho agondiporesa maperembudzi. Murume uyu auya aine formula yake yekuporeswa kare. Vanhu they can come up nemaFormulas avo vega ekuti vaponeswe naMwari. Iye Elisha achiti geza 7 times in river Jordan, iye Namaan anenge achiti aiwa isai ruoko rwenyu panzvimbo yacho mugondiporesa maperembudzi. Ivo Mwari vachiti nzira ndiJesu yekuti vanhu mupone, mumwe anenge achiti aiwa Mwari madii kuti vapone using another way Naaman anobvunza akati are not Abana and Pharpar, rivers of Damascus, better than all the waters of Israel, anotenda kuti kunyika kwake kwaabva kune nzizi dziri nani, better than this Jordan river kwaari kunzi ageze. Nhai Naaman kana nzizi abana and pharpar vari nani than river Jordan wadii kuenda kunoporera ikoko, problem ndeye kuti unoda kuCompeya nzizi dzekumaraini kwenyu dzawajaira versus jordan yawanzi nemunhu waMwari ugezere. Ndipo pamwe pane problem hombe apa pekuti munhu anoda kuCompeya tradition yake yekunamata yaajaira versus zvinotaura Mwari muBible and anoona as if tradition/doctrine yeChurch yake is far much better than what God says and mhedzisiro yacho anoramba zvinotaura Bible achida zvinotaura doctrine, anoramba zvinotaura Mwari achida zvinotaura pastor,,,are not abana and pharapa better rivers than jordan,,,rega kunyengedzwa nasatan there is nothing better than what God has said in His word. Naaman akatsamwa ndokutanga kudzokera kwaabva but maServants ake vanoyedza kumukurudzira zvikanzi My father, if the prophet had told you to do some great thing, would you not have done it? How much more should you do it when he tells you, ‘Wash and be clean’? ” its good kukomberedzwa nevanhu vanotya Mwari so that paunenge wakuda kurasika vanokudzora, but if you are surrounded by people who have no respect for GOD unonyura, instead yekuti vakudzore kuti aiwa bhururu usadaro, they can actually support you kuti haaa tsano lets go back home hazviite kuti mugeze mumhadhaka eJordan handei kumaraini kwedu kune Abna nePharpar. Chenjera zvima friends zvinoda kukubvisa paProgramme yaMwari. Itawo shamwari dzinokukurudzira kunamata Mwari, kwete kuita shamwari inokuudza kuti haiwa nhasi rovha kuChurch tiende kunoona bhora. Its actually supposed to be the opposite, shamwari yakanaka iri supposed kukuudza kuti chimbosiyana nezve bhora uende kuChurch. Namaan was encouraged by his servants kuti aite zvataurwa nemuporofita waMwari “Nhai baba, dai muprofita anga akuudzai kuti muite chinhu chikuru, hamaizochiita here? Zvino zvaati kwamuri, ‘Shambai mugonatswa!’ Naaman anobvuma and he goes down to river Jordan to wash as per instruction, akazvinyika ka7 muMvura. Haana kunzi zvinyike the number of times dzaunoda but akaudzwa kunzi ka7. Ndati tizivasane kuti ruponeso haizi nyaya yekusarudza zvatinoda isusu kuti zvitiponese but we must choose that which GOD has set before us. Kana Naaman achiti 7 times in river Jorda, let it be 7 times and not twice or thrice. Kana Mwari vachiti nzira yekupona ndiJesu lets it be Jesus arege kuva maporofita, vadzimu, Mary kana Joseph mabasa edu or any other person but let it be Jesus only. Naaman akapa suggestion yekuti Abna naPharphar maRivers arinani but Prophet Elisha havana kuti its o.k. unogona hako kuenda kunogezeza ikoko, aiwa. Sometimes tine zvimwe zvatigona kuone kunge zviri nani, pane imwe church yaunogona kuona kunge iri better than pane Mwari yaari kuda kuti upinde, but isingakusvitse kudenga. Saka ipapo hako don’t try to negotiate naMwari kuti vakurerutsire uende ikoko kune moyo wako but kusina ruponeso. If its Jordan, let it be Jordan and not a fancy swimming pool, abna or pharphar. Mvura imvura handiti, kana tava paChemistry mvura yese its H-2-0, saka mumeso ako unogona kuoona kunge zvakafanana, kupinda muJordan or muSwimming pool but ziva kuti chasiyanisa mvura idzi is the instruction yabva kune munhu waMwari, Jordan ndiyo yawanzi upinde and not any other reason, this creates a huge difference. Yes kunamata kunogona kuita kunge kwakafanana, but ziva kuti pane kumwe kunamata kusina maResults pozoita kumwe kune maResuts, that’s why uchiona kuti Jesu paainge ari pano pasi akadzidzisa vanhu manamatiro, haana kungoti just pray chero zvamada but ane maPrinciples ePrayer akawanda which He taught, nekuti aida kuti tizive the correct way to pray, saka rega kungoti kunamata kwakafanana but take time yekuStuder Bible kuti uzive kuti what is the exact way of praying which pleases GOD. Naaman akatedzera Instruction ,he dipped 7 times munaJordan and skin yake yakabuda yanatswa like the skin of a child. We all know how smooth is baby’s skin is, ndizvo zvanzi naBible ganda raNaaman rakaita. From leprous skin to a baby smooth skin. Akasanduka nekuti abvuma kuita zvaainge audzwa. Hazvina mhosva kuti wakasviba sei neChivi but kana ukauya kuna Jesu He is able to clean your sins, ukachena. Isaiah 1:18 yoti Come now, and let us reason together, saith the LORD: though your sins be as scarlet, they shall be as white as snow; though they be red like crimson, they shall be as wool. Mwari varikuti mushoko ravo huya titaurirane, kunyangwe zvitadzo zvako zvakatsvuka seropa ndichazvichenesa semazaya echando Rega kuchengeta maperembudzi uri kuSyria but uchitadza kuuya kuna Prophet Elisha anokuporesa. Rega kuchengeta chivi mumoyo uchitadza kuuya kuna Jesu kuti akuponese. John 3:16 “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
Posted on: Thu, 13 Nov 2014 05:30:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015