Mharidzo naMufundisi( Pastors Sermon) Pane vari kupotswa - TopicsExpress



          

Mharidzo naMufundisi( Pastors Sermon) Pane vari kupotswa nebreakthrough nediliverance yavo nekuda kwekuti vanoda kureasoner chaizvo or vari kuisa Mwari muka box then voda kumucontroller, aaah hakuna zvakadaro. Kutoita madiscussions or nharo dzekuda kuziva mashandiro aMwari. Manje Mwari imaths isinga nzwisisike. As much as you have to know God and have an individual relationship with God, pamwe panongoda kuti uve nerutendo rwunenge rwe mwana mudiki chete. Chingoziva chete kuti kune avo vakadanwa naMwari nekuda Mwari wavo, zvinhu zvavo zvino rino ringana panguva yakakodzera. Ukaverenga nyaya yechirema chaigara padziva repa Bethesda kwemakore akawanda nezvimwe zvirema(John 5vs1-14). Instead of having faith musource yeruponeso anova Mwari iye nevamwe vake busy kuisa tariro yavo muma resources. Tine vanhu vazhinji vasisina kutenda netariro muna Mwari asi muvanhu nezvinhu or tunhu. Hazvina kushata kubetserwa asika chienda mberi kusource iyo inotaurwa naPaul kuva Phiripi 4vs13 apo anoti ndinoita zvese kubudikidza naMwari anondipa simba. Chitarisa uone vanhu venharaunda instead of them celebrating breakthrough nedeliverance yemudikani uyu aive chirema ivo vatova busy kuda kuziva macredentials emunhu ashandiswa naMwari pamunana uyu nekumuti atyora mutemo wesabata nekutakura nhovo yake. Kana uri mutendi just believe and faith muna Jesu Kristu kuti all will be well chete nenguva yakakodzera.
Posted on: Mon, 08 Dec 2014 21:38:35 +0000

Trending Topics



join us at our upcoming workshops, or

Recently Viewed Topics




© 2015