Ndaona sign post yanga yakanzi “NO ROAD” but chandishamisa - TopicsExpress



          

Ndaona sign post yanga yakanzi “NO ROAD” but chandishamisa ndechekuti sign iyi yanga yakaiswa paSide reRoad parikutofamba neMota dzichienda kwadziri kuenda. Ndabva ndaziva kuti its ‘no road’ zvayo but road iripo. Ndizvo zvinoita nyika, vane tsika yekunyora ma “NO ..dash dash” ipo paine chinhu chavari kuti hapana. NO JOB chaiyo haiiswe musango, but inotoiswa paCompany and ukadongorera mukati meCompany makanzi “NO JOB” utoona muine vanhu varikushanda. Ndipo paunobva waziva kuti no job iyo yakanyorerwa vamwe vanhu but kune vamwe it doesn’t apply. Hausati wazviona here munhu anotenda kuInterview yeBasa paCompay yakanzi no job but mumwe akangoona sign post iyoyo anobva atorova U turn asina kusiya CV because atenda kuti no job iyi hapana basa zveshuwa. nyika ine maNO ainotaura, vane zvirwere hobho zvavanoti NO CURE but wozovhura Psalms 103 unonzwa kuchinzi Mwari vanorapa ALL DISEASES, zvirwere zvese, kwete zvimwe, asi zvese. Ndipo paunoona kuti its NO CURE kune varikunyika but kuna Mwari hakuna izvozvo> pane nyaya ndepekuti unotenda muShoko raani, zvataurwa neNyika here or zvataurwa naMwari, zvataurwa neNewspaper here or zvataurwa neBible. Kana uchitenda mune zvinotaura nyika, shuwa pakanzi NO panoramba pari NO, but kana uchitenda muna Mwari, He can change that NO to yes. Mwari vanotaura pana Isaiah 43:19 vachati I will even make a way in the wilderness, and rivers in the desert. Ndichagadzira nzira murenje, ukanzwa pachinzi I will make, chibva waziva kuti pagara pasina nzira iripo, ndiko kuita kwaMwari. He is the Creator, Vanaro simba rekugadzira maSolutions kune zvinhu zvinganzi NO SOLUTION. ndinongoti kunewe muverengi, nyika ine maNO ayataura zvayo but believe in GOD, He will make a way ipo panzi hapana nzira rega kuvhunduka zvinotaurwa neNyika asi tenda zvinotaura Mwari *shambas*
Posted on: Mon, 15 Sep 2014 05:24:42 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015